Mapisarema 110

Pisarema raDhavhidhi

1 Jehovha akati kuna She wangu, “Gara kuruoko rwangu rworudyi, kusvikira ndaita vavengi vako chitsiko chetsoka dzako.”

2 Jehovha achatambanudza tsvimbo yesimba rako kubva muZioni; uchatonga pakati pavavengi vako.

3 Mauto ako achazvipira pazuva rako rehondo. Wapfekedzwa nguo youshe, utsvene, kubva pachizvaro chamambakwedza uchagamuchira dova roujaya hwako.

4 Jehovha akapika, uye haangashanduki, achiti, “Iwe uri muprista nokusingaperi, worudzi rwaMerekizedheki.”

5 Jehovha ari kuruoko rwako rworudyi; achaparadza madzimambo pazuva rehasha dzake.

6 Achatonga ndudzi, achiunganidza vakafa, uye achiparadza vatongi venyika yose.

7 Achanwa parukova rwuri parutivi penzira; naizvozvo achasimudza musoro wake.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

fourteen − two =