2 Timoti 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, maererano nechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu, 2 Kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu. An okurudzirwa kuti ave akatendeka 3 Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati. 4 Ndichirangarira misodzi yako, […]

2 Timoti 2

1 Zvino iwe mwanakomana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu. 2 Uye zvinhu zvawakanzwa ndichitaura pamberi pezvapupu zvizhinji zvipe kuvanhu vakatendeka avo vachazozvidzidzisawo vamwe. 3 Tsungirira pamwe chete nesu somurwi akanaka waKristu Jesu. 4 Hakuna munhu anoshanda somurwi anozviisa pazvinhu zvoupenyu hwavasiri varwi, anoda kufadza mukuru wake wehondo. 5 Zvimwe chetezvo, kana munhu […]

2 Timoti 3

Kushaya uMwari paMazuva Okupedzisira 1 Asi uzive chinhu ichi: Kuchava nenguva dzokutambudzika pamazuva okupedzisira. 2 Vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingatendi, vasina utsvene, 3 vasina rudo, vasingaregereri, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane utsinye, vasingadi zvinhu zvakanaka, 4 vanomukira, vanoita manyawi, vanonyengera, vanoda kuzvifadza nezvenyika kupfuura Mwari; 5 vane mufananidzo bedzi wokunamata […]

2 Timoti 4

1 Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti: 2 Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. 3 Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve […]