VaHebheru 1

Kristu mukuru kuVatumwa 1 Kare, Mwari akataura kumadzitateguru edu kubudikidza navaprofita panguva zhinji, uye nenzira dzakasiyana-siyana, 2 asi mumazuva ano okupedzisira akataura kwatiri nomuMwanakomana wake, waakaita mudyi wenhaka yezvinhu zvose, uye naiyewo waakaita naye nyika. 3 Mwanakomana ndiye chadzera chokubwinya kwaMwari uye ndiye mufananidzo wake chaiwo, anochengeta zvinhu zvose neshoko rake rine simba. Mushure mokunge […]

VaHebheru 2

Yambiro pamusoro poKusateerera 1 Saka tinofanira kuteerera zvikuru, izvo zvatakanzwa, kuitira kuti tirege kutsauka. 2 Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira, 3 ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa. 4 Mwariwo akarupupurira nezviratidzo nezvishamiso […]

VaHebheru 3

Jesu mukuru kuna Mozisi 1 Naizvozvo, hama tsvene, vagovani neni pakudanwa kunobva kudenga, isai pfungwa dzenyu pana Jesu, Mupostori nomuprista mukuru uyo watinopupura nezvake. 2 Akanga akatendeka kuna iye akamugadza, saMozisi akanga akatendeka muimba yose yaMwari. 3 Jesu akaonekwa kuti akafanira kukudzwa kupfuura Mozisi, somuvaki weimba anokudzwa kupfuura imba yacho. 4 Nokuti imba imwe neimwe […]

VaHebheru 4

Sabata, zororo raVanhu vaMwari 1 Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako. 2 Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda. 3 Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti: “Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti, […]

VaHebheru 5

1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi. 2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera. 3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu. 4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira […]

VaHebheru 6

1 Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi kuti tive vakuru, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari, 2 dzidziso pamusoro pokubhabhatidzwa nedzokuisa maoko pamusoro, nedzokumuka kubva kuvakafa, uye nedzokutongwa kusingaperi. 3 Uye kana Mwari achitendera, ndizvo zvatichaita. 4 Nokuti hazvigoni kuti vaya vakambovhenekerwa, vaya vakamboravira chipo chokudenga, vakagoverwa […]

VaHebheru 7

Merikizedheki Muprista 1 Merikizedheki uyu aiva mambo weSaremu, uye aiva muprista waMwari Wokumusoro-soro. Akasangana naAbhurahama pakudzoka kwake achibva kundokunda madzimambo uye akamuropafadza, 2 uye Abhurahama akamupa chegumi chezvinhu zvose. Kutanga zita rake rinoreva kuti, “mambo wokururama”; uyezve, “mambo weSaremu” zvinoreva kuti, “Mambo worugare.” 3 Asina baba kana mai, asina madzitateguru, asina mavambo amazuva kana magumo […]

VaHebheru 8

Muprista Mukuru weSungano Itsva 1 Shoko guru pane izvozvi zvatiri kutaura ndiro iri rokuti: Tino muprista mukuru akadai, akagara kurudyi rwechigaro chaIshe kudenga, 2 uye anoshumira muimba tsvene, iyo tabhenakeri chaiyo yakamiswa naIshe, kwete nomunhu. 3 Muprista mukuru mumwe nomumwe akagadzwa kuti ape zvose zvipo nezvibayiro kuna Mwari, naizvozvo zvakanga zvakafanira kuti uyu ave nechokubayirawo. […]

VaHebheru 9

Kunamata muTabhenakeri Yapanyika 1 Zvino sungano yokutanga yakanga ine mirayiro yokunamata Mwari uye neyeimba tsvene yapanyika. 2 Tabhenakeri yakamiswa. Mukamuri rayo rokutanga makanga mune chigadziko chomwenje, netafura uye nezvingwa zvitsvene; iyi ndiyo yainzi Nzvimbo Tsvene. 3 Mberi kwechidzitiro chechipiri kwakanga kune kamuri yainzi Nzvimbo Tsvene-tsvene, 4 yakanga ine ndiro yegoridhe yezvinonhuhwira uye neareka yesungano yakanga […]

VaHebheru 10

Chibayiro chaKristu chakaitwa kamwe chete zvikapera 1 Murayiro unongova mumvuri chete wezvinhu zvakanaka zvinouya, kwete izvo chaizvo. Nokuda kwaizvozvo haungatongogoni kuita kuti avo vanoswedera, kuti vanamate gore rimwe nerimwe, naizvo zvibayiro zvimwe chetezvo zvavanoramba vachibayira kuna Mwari, vakwaniswe. 2 Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here? 3 Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, […]