Zvakazarurwa 2

Kukereke yomuEfeso

1 “Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje:

2 ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye kutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema.

3 Wakatsungirira uye ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.

4 Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.

5 Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.

6 Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.

7 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.

Kukereke iri muSimina

8 “Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga noWokupedzisira, akafa uye akararamazve.

9 Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.

10 Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.

11 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.

Kukereke iri muPegamo

12 “Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose.

13 Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani.

14 Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.

15 Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti.

16 Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu.

17 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.

Kukereke yomuTiatira

18 “Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira.

19 Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga.

20 Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.

21 Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.

22 Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo.

23 Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.

24 Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu):

25 Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya.

26 Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi:

27 ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi;

achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’

sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu.

28 Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani.

29 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

two × 4 =