Nehemia 1

Munyengetero waNehemia 1 Mashoko aNehemia mwanakomana waHakaria: Mumwedzi waKisirevhi mugore ramakumi maviri, pandainge ndiri panhare yeSusa, 2 Hanani, mumwe wehama dzangu, akauya achibva kuJudha navamwe varume, ndikavabvunza pamusoro pavaJudha vakasara avo vakapunyuka pakutapwa, uyewo napamusoro paJerusarema. 3 Vakati kwandiri, “Avo vakapunyuka pakutapwa uye vakadzokera kudunhu vari mudambudziko guru napakunyadziswa. Rusvingo rweJerusarema rwakakoromorwa, uye masuo arwo […]

Nehemia 2

Atazekisesi anotumira Nehemia kuJerusarema 1 Mumwedzi waNisani mugore ramakumi maviri raMambo Atazekisesi, panguva yaakavigirwa waini, ndakatora waini ndikapa kuna mambo. Handina kumbenge ndambosuruvara zvakadai pamberi pake. 2 Saka mambo akandibvunza akati, “Ko, chiso chako chinoratidza kusuwa seiko iwe usingarwari? Hapangavi nechimwe chinhu asi shungu dzomwoyo bedzi.” Ndakatya kwazvo, 3 asi ndakati kuna mambo, “Mambo ngaararame […]

Nehemia 3

Vavaki voRusvingo 1 Zvino Eriashibhi muprista mukuru navamwe vaprista vakaenda kundoshanda uye akavakazve Suo raMakwai. Vakarikumikidza akaisa makonhi panzvimbo yawo, vakarivaka kunosvika paShongwe yeZana, iyo yavakakumikidza, kusvikira paShongwe yaHananeri. 2 Varume veJeriko vakavaka chikamu chaiva pedyo, uye Zakuri mwanakomana waImuri akavaka parutivi rwavo. 3 Suo reHove rakavakwa navanakomana veHasenaya. Vakaisa matanda okuchinjika akaisa makonhi aro […]

Nehemia 4

Vavengi vanotsoropodza Kuvakwa kwoRusvingo 1 Zvino Sanibharati paakanzwa kuti takanga tava kuvakazve rusvingo, akatsamwa uye akava nehasha kwazvo. Akashora vaJudha, 2 pamberi pehama dzake nehondo yeSamaria, achiti, “Ko, vaJudha avo vasina simba vari kuiteiko? Ko, vachavakazve rusvingo rwavo here? Vachapa zvibayiro here? Vachapedza nezuva rimwe chete here? Ko, vangadzorera upenyu pamatombo ayo akaunganidzwa, akatsva sezvaakaita […]

Nehemia 5

Nehemia anobatsira Varombo 1 Zvino kwakava nokuchema kukuru kwavarume navakadzi vavo pamusoro pehama dzavo vaJudha. 2 Nokuti vamwe vakati, “Isu navanakomana navanasikana vedu tiri vazhinji; kuti tidye uye kuti tigorarama, tinofanira kuwana zviyo.” 3 Vamwe vaiti, “Isu takaita minda yedu neminda yedu yemizambiringa uye nemisha yedu kuti zvive rubatso kuti tiwane zviyo panguva yenzara.” 4 […]

Nehemia 6

Kuvaka patsva kunopikiswazve 1 Shoko rakati rasvika kuna Sanibharati, Tobhia naGeshemu muArabhia uye noruzhinji rwavavengi vedu kuti ndakanga ndavakazve rusvingo uye pakanga pasina chakanga chasara parwuri, kunyange panguva iyoyo ndakanga ndisati ndamisa makonhi pamasuo, 2 Sanibharati naGeshemu vakatuma shoko kwandiri vakati, “Uya tisangane pano mumwe wemisha iri mubani reOno.” Asi vakanga vachironga kundiitira zvakaipa. 3 […]

Nehemia 7

1 Mushure mokunge rusvingo rwavakwa uye ndaisa makonhi panzvimbo dzawo, varindi vemikova, vaimbi navaRevhi vakagadzwa. 2 Ndakagadza Hanani hama yangu kuti ave mutariri weJerusarema naHanania kuti ave mukuru wepanhare, nokuti aiva munhu anokudzwa uye aitya Mwari kupinda zvingaitwa noruzhinji rwavanhu. 3 Ndakati kwavari, “Masuo eJerusarema asazarurwa kusvikira zuva rava kupisa. Panguva iyo vachengeti vamasuwo vanenge […]

Nehemia 8

Ezira anoverenga Murayiro 1 Zvino mwedzi wechinomwe wakati wasvika, uye vaIsraeri vagara mumaguta avo, vanhu vose vakaungana vakaita somunhu mumwe pachivara chakatarisana neSuo reMvura. Vakakumbira Ezira munyori kuti auye neBhuku roMurayiro waMozisi, wakanga warayirwa naJehovha kuvaIsraeri. 2 Naizvozvo pazuva rokutanga romwedzi wechinomwe, Ezira muprista akauya noMurayiro pamberi peungano, yaiva yavarume navakadzi navose vaigona kunzwisisa. 3 […]

Nehemia 9

VaIsraeri vanoreurura Zvivi Zvavo 1 Pazuva ramakumi maviri namana romwedzi iwoyo, vaIsraeri vakaungana pamwe chete, vachizvinyima zvokudya vakapfeka masaga uye vaine guruva pamisoro yavo. 2 Avo vaiva zvizvarwa zvavaIsraeri vakazvitsaura kubva pakati pavatorwa vose. Vakamira panzvimbo dzavo vakareurura zvivi zvavo nezvitadzo zvavo. 3 Vakamira pavakanga vari ndokuverenga kubva muBhuku roMurayiro waJehovha Mwari wavo kwechikamu chimwe […]

Nehemia 10

1 Zvino avo vakaisa chisimbiso ndeava: Nehemia mubati, mwanakomana waHakaria, Zedhekia, 2 Seraya, Azaria, Jeremia, 3 Pashuri, Amaria, Marikia, 4 Hakushi, Shebhania, Maruki, 5 Harimu, Meremoti, Obhadhia, 6 Dhanieri, Ginetoni, Bharuki, 7 Meshurami, Abhija, Mijamini, 8 Maazia, naBharigai, naShemaya. Ava ndivo vaiva vaprista. 9 VaRevhi vaiti: Jeshua mwanakomana waAzania, Bhinui wokuvanakomana vaHenadhadhi, Kadhimieri, 10 nehama […]