Dhuteronomi 1

VaIsraeri van orayirwa kuti vabve paHorebhu 1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi. 2 (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.) 3 Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha […]

Dhuteronomi 2

Kudzungaira muRenje 1 Zvino takadzoka tikafamba takananga kurenje nenzira inoenda kuGungwa Dzvuku, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha. Kwenguva yakareba takafamba nenzira yaipoterera nenyika yamakomo yeSeiri. 2 Ipapo Jehovha akati kwandiri, 3 “Mafamba nenzira yokupoterera nyika iyi yamakomo kwenguva yakakwana, zvino chidzokai muende nechokumusoro. 4 Rayira vanhu uti, ‘Mava pedyo kuti mupfuure nomunyika yehama dzenyu vana vaEsau, vagere […]

Dhuteronomi 3

Kukundwa kwaOgi mambo weBashani 1 Mushure maizvozvo takadzoka tikakwira nenzira inoenda kuBhashani, uye Ogi mambo weBhashani nehondo yake yose vakauya kuzorwa nesu paEdhirei. 2 Jehovha akati kwandiri, “Usatya nokuda kwake, nokuti ndakamuisa kwauri uye nenyika yake. Muitire sezvamakaita kuna Sihani mambo wavaAmoni, akanga achitonga muHeshibhoni.” 3 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu akaisawo Ogi mambo weBhashani nehondo […]

Dhuteronomi 4

Mozisi anovarayira kuti vateerere 1 Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. 2 Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai. 3 Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati […]

Dhuteronomi 5

Mirayiro Gumi 1 Mozisi akadana vaIsraeri vose, akati, “Inzwai imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandinotaura muchinzwa nhasi. Idzidzei muchenjerere kuti muitevere 2 Jehovha Mwari wedu akaita sungano nesu paHorebhu. 3 Jehovha haana kuita sungano iyi namadzibaba edu, asi akaiita nesu, nesu tose vapenyu nhasi pano. 4 Jehovha akataura nemi chiso nechiso ari mukati memoto pagomo. 5 […]

Dhuteronomi 6

Ida Jehovha Mwari wako 1 Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu, 2 kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama. 3 Chinzwa, iwe Israeri, […]

Dhuteronomi 7

Kudzinga Ndudzi 1 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu akusvitsai munyika yamuri kupinda kuti ive yenyu akadzinga ndudzi zhinji pamberi penyu dzinoti: vaHiti, vaGirigashi, vaAmori, vaKenani vaPerizi, vaHivhi, navaJebhusi, ndudzi nomwe dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, 2 uye kana Jehovha Mwari wenyu akavaisa mumaoko enyu akavakunda, ipapo munofanirwa kuvaparadza zvachose. Musaita chibvumirano navo, uye musavanzwira tsitsi. 3 […]

Dhuteronomi 8

Usakanganwa Jehovha 1 Muchenjerere kutevera murayiro mumwe nomumwe, wandinokupai nhasi, kuitira kuti mugorarama mugowanda uye mugopinda nokutora nyika iyo Jehovha akavimbisa madzitateguru enyu nemhiko. 2 Rangarirai matungamirirwo amakaitwa naJehovha Mwari wenyu munzira yose yomurenje makore ose aya makumi mana, achikuninipisai nokukuedzai kuti azive zvaiva mumwoyo menyu, kana makanga muchida kuchengeta mirayiro yake kana kuti kwete. […]

Dhuteronomi 9

Kwete nokuda kwokururama kwaIsraeri 1 Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo. 2 Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?” 3 Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka […]

Dhuteronomi 10

Mahwendefa akafanana neokutanga 1 Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti. 2 Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.” 3 Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuakasia uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa […]