Muparidzi 1

Zvose hazvina maturo 1 Mashoko oMuparidzi, mwanakomana waDhavhidhi, mambo muJerusarema: 2 Zvanzi noMuparidzi, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Hazvina maturo chose! Zvose hazvina maturo.” 3 Munhu achawaneiko kubva pakushanda kwake kwose kwaanoita nesimba pasi pezuva? 4 Marudzi anouya uye marudzi anoenda, asi nyika inogara nokusingaperi. 5 Zuva rinobuda uye zuva rinovira, uye rinokurumidza kudzokerazve kwarinobudira. 6 […]

Muparidzi 2

Kufara kuzhinji hakuna maturo 1 Ndakati mumwoyo mangu, “Uya zvino, ndichakuedza nomufaro kuti uzive chakanaka.” Asi naizvozviwo hazvina maturo. 2 Ndakati, “Kuseka upenzi, uyezve mafaro anobatsireiko?” 3 Ndakaedza kuzvifadza newaini, uye kumbundikira upenzi, pfungwa dzangu dzichinditungamirira nouchenjeri. Ndaida kuona kuti chii chakafanira kuti vanhu vaite pasi pedenga mumazuva mashoma oupenyu hwavo. 4 Ndakaita mabasa makuru; […]

Muparidzi 3

Chimwe nechimwe chine nguva yacho 1 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga: 2 nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura; 3 nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka; 4 nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana; 5 nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe […]

Muparidzi 4

Udzvinyiriri, Kutambura, noKusava Neshamwari 1 Ndakatarirazve ndikaona udzvinyiriri hwose hwaiitika pasi pezuva: Ndakaona misodzi yavanodzvinyirirwa, uye havana munyaradzi; simba raiva kudivi ravadzvinyiriri vavo, uye havana munyaradzi. 2 Ndakati vakafa, vakanguri vafa kare, vano mufaro kupfuura vapenyu, vachiri kurarama. 3 Asi ari nani kupfuura vose ndiye uyo asati atombovapo, uyo asati amboona zvakaipa zvinoitwa pasi pezuva. […]

Muparidzi 5

Mira utye Mwari 1 Chenjerera rutsoka rwako kana uchienda kuimba yaMwari. Enda pedyo undonzwa pano kuti upe chibayiro chamapenzi, vasingazivi kuti vanoita zvakaipa. 2 Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma. 3 Sokuuya kwechiroto kana pane matambudziko akawanda […]

Muparidzi 6

1 Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru: 2 Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza. 3 Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi […]

Muparidzi 7

Uchenjeri 1 Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa. 2 Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo. 3 Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo. 4 Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba […]

Muparidzi 8

1 Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso. Teerera Mambo 2 Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari. 3 Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza. 4 Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, […]

Muparidzi 9

Mugumo waVanhu Vose 1 Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira. 2 Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo […]

Muparidzi 10

1 Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka, saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa. 2 Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi, asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe. 3 Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro. 4 Kana kutsamwa kwomubati kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru. 5 Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi […]