Mavambo 1 Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika. 2 Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura. 3 Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo. 4 Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima. 5 Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye […]
Category Archives: Genesisi
Genesisi 2
1 Naizvozvo matenga nenyika zvakapera mukushongedzwa kukuru kwazvo kwose. 2 Pazuva rechinomwe Mwari akanga apedza basa raakanga achiita; saka pazuva rechinomwe akazorora pamabasa ake ose. 3 Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita. Adhamu naEvha 4 Iyi ndiyo rondedzero yamatenga nenyika pazvakasikwa. Jehovha Mwari paakaita nyika […]
Genesisi 3
Kuwa kwoMunhu 1 Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?” 2 Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, 3 asi Mwari akati, ‘Hatifaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege […]
Genesisi 4
Kaini naAbheri 1 Adhamu akarara nomukadzi wake Evha, uye akava nemimba akabereka Kaini. Akati, “Norubatsiro rwaJehovha, ndabereka murume.” 2 Mushure akabereka munun’una wake Abheri. Zvino Abheri aiva mufudzi wamakwai, uye Kaini aiva murimi wevhu. 3 Mukufamba kwenguva, Kaini akauya nezvimwe zvezvibereko zvevhu sechipiriso kuna Jehovha. 4 Asi Abheri akauya nomugove wamafuta aibva mumhongora dzamakwai. Jehovha […]
Genesisi 5
Kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Noa 1 Iyi ndiyo rondedzero yakanyorwa yorudzi rwaAdhamu. Mwari paakasika munhu akamuita nomufananidzo waMwari. 2 Akavasika murume nomukadzi uye akavaropafadza. Uye vakati vasikwa, akavatumidza kuti “munhu.” 3 Adhamu akati agara makore zana namakumi matatu, akabereka mwanakomana akafanana naye, akanga akamutodza; akamutumidza zita rokuti Seti. 4 Shure kwokuberekwa kwaSeti, Adhamu akararama […]
Genesisi 6
Mafashamu 1 Vanhu vakati vatanga kuwanda panyika uye vanasikana vakaberekwa kwavari, 2 vanakomana vaMwari vakaona kuti vanasikana vavanhu vakanga vakanaka, uye vakazviwanira upi zvake wavakasarudza. 3 Ipapo Jehovha akati, “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, nokuti inyama; mazuva ake achava makore zana namakumi maviri.” 4 VaNefirimu vakanga vari panyika mumazuva iwayo, uyewo mushure maizvozvo, vanakomana […]
Genesisi 7
1 Ipapo Jehovha akati kuna Noa, “Pindai muareka iwe nemhuri yako yose nokuti ndakuona iwe kuti wakarurama murudzi urwu. 2 Utore mhando dzemhuka dzose dzakanaka nomwe nomwe, mukono nehadzi yayo uye mbiri mbiri pamhando dzose dzemhuka dzisina kunaka, mukono nehadzi yayo, 3 uyewo nomwe nomwe pamhando dzose dzeshiri, mukono nehadzi, kuti uraramise marudzi azvo akasiyana-siyana […]
Genesisi 8
1 Asi Mwari akarangarira Noa nemhuka dzose dzesango nezvipfuwo zvakanga zvinaye muareka, uye akatuma mhepo pamusoro penyika, uye mvura zhinji ikaserera. 2 Zvino zvitubu zvepakadzika uye masuo amafashamu okudenga zvakanga zvazarirwa, uye mvura yakanga yaguma kunaya kubva kudenga. 3 Mvura yakaserera zvishoma nezvishoma kubva panyika. Pakupera kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yakanga yadzika, 4 uye […]
Genesisi 9
Sungano yaMwari naNoa 1 Ipapo Mwari akaropafadza Noa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekanai muwande uye muzadze nyika. 2 Mhuka dzose dzenyika neshiri dzose dzedenga dzichakutyai nokukuvhundukai, zvisikwa zvose zvinokambaira panyika, nehove dzose dzegungwa; zvakapiwa mumaoko enyu. 3 Zvinhu zvose zvinorarama nezvinokambaira zvichava zvokudya zvenyu. Sezvandakakupai muriwo munyoro, ndiri kukupai zvino zvinhu zvose. 4 “Asi hamufaniri […]
Genesisi 10
Nhoroondo yeNdudzi 1 Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu, Hamu naJafeti, vana vaNoa, avo vakaitawo vanakomana mushure mamafashamu. VaJafeti 2 Vanakomana vaJafeti vanoti: Gomeri, Magogi, Madhai, Javhani, Jubhari, Mesheki naTirasi. 3 Vanakomana vaGomeri vanoti: Ashikenazi, Rifati naTogarima. 4 Vanakomana vaJavhani vanoti: Erisha, Tashishi, Kitimi naRodhonimi. 5 (Kubva kwavari ivava vanhu vomumahombekombe egungwa vakapararira munyika dzavo, nedzimba […]