VaFiripi 1

1 Pauro naTimoti, varanda vaKristu Jesu, Kuvatsvene vose muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe chete navatariri navadhikoni vekereke: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba nokuna Ishe Jesu Kristu. Kuvonga noKunyengetera 3 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose pandinokurangarirai. 4 Muminyengetero yangu yose nokuda kwenyu mose, ndinogara ndichinyengetera nomufaro 5 nokuda kwokunzwanana kwenyu muvhangeri kubvira pazuva […]

VaFiripi 2

Kutevedzera Kuzvininipisa kwaKristu 1 Kana muine kurudziro inobva pakubata naKristu, kana paine kunyaradza kunobva parudo rwake, kana pano kuwadzana noMweya, kana paino unyoro netsitsi, 2 ipapo itai kuti mufaro wangu uzare nokuva nomurangariro wakadaro, muine rudo rumwe chete, muri vamwe mumweya nechinangwa. 3 Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari […]

VaFiripi 3

Kusavimba neNyama 1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi. 2 Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vokucheka nyama. 3 Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama, 4 kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. […]

VaFiripi 4

1 Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa! Kurudziro 2 Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She. 3 Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe […]