Numeri 1

Kuverengwa kwaVanhu 1 Jehovha akataura naMozisi muTende Rokusangana, vari murenje reSinai, nezuva rokutanga romwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwokubuda kwavaIsraeri muIjipiti, achiti, 2 “Verenga ungano yose yavaIsraeri nedzimba dzavo uye nemhuri dzavo, uchinyora murume wose wose nezita rake, mumwe nomumwe. 3 Iwe naAroni munofanira kuverenga varume vose vari muIsraeri namapoka avo vane makore makumi maviri […]

Numeri 2

Urongwa hweMisasa yaMarudzi 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: 2 “VaIsraeri vanofanira kuvaka musasa vakapoteredza Tende Rokusangana nechokure, mumwe nomumwe pasi pomureza wokwake nezviratidzo zvedzimba dzamadzibaba ake.” 3 Kumabvazuva, kwakanangana nokunobuda nezuva, mapoka okwaJudha anofanira kuvaka misasa yawo pasi pomureza wavo. Mutungamiri wavanhu vaJudha ndiNashani mwanakomana waAminadhabhi. 4 Boka rake rina vanhu vanosvika zviuru makumi […]

Numeri 3

VaRevhi 1 Iyi ndiyo nhoroondo yemhuri yaAroni naMozisi panguva iyo Jehovha akataura naMozisi paGomo reSinai. 2 Mazita avanakomana vaAroni aiva Nadhabhi dangwe rake, naAbhihu, naEreazari naItamari. 3 Ndiwo akanga ari mazita avanakomana vaAroni, ivo vaprista vakazodzwa, vakanga vagadzwa kuti vashumire savaprista. 4 Kunyange zvakadaro, Nadhabhi naAbhihu, vakafa pamberi paJehovha panguva yavakaita chipiriso nomoto wakanga usingabvumirwi […]

Numeri 4

VaKohati 1 Jehovha akati kuna Mozisi naAroni: 2 “Verenga vaKohati ivo bazi ravaRevhi nedzimba dzavo nemhuri dzavo. 3 Uverenge varume vose kubvira pane vane makore makumi matatu kusvikira pane vane makore makumi mashanu vanouya kuzoshanda basa romuTende Rokusangana. 4 “Iri ndiro basa ravaKohati muTende Rokusangana: kuchengetedza zvinhu zvitsvenetsvene. 5 Kana ungano yosimuka Aroni navanakomana vake […]

Numeri 5

Kunatswa kwoMusasa 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Rayira vaIsraeri kuti vabudise mumusasa ani zvake ane chirwere cheganda romuviri kana kuerera kupi zvako, kana akasvibiswa nokuda kwechitunha. 3 Uvabudise vose varume navakadzi zvimwe chetezvo; uvabudise kunze kwomusasa kuitira kuti varege kusvibisa musasa wavo, wandigere pakati pavo.” 4 VaIsraeri vakaita saizvozvo, vakavabudisa kunze kwomusasa. Vakaita sezvakarayirwa […]

Numeri 6

MuNaziri 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri, 3 anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa. 4 Panguva yose youNaziri hwake, […]

Numeri 7

Zvipiriso zvokukumikidzwa kweTabhenakeri 1 Mozisi akati apedza kumisa tabhenakeri, akaizodza akaitsaura pamwe chete nemidziyo yayo yose. Akazodzawo nokutsaura aritari nemidziyo yayo yose. 2 Ipapo vatungamiri veIsraeri, vakuru vedzimba avo vakanga vari vatungamiri vamarudzi vari vatariri vavaya vakanga vaverengwa, vakapa zvipiriso. 3 Vakauyisa sezvipiriso zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzirwa nenzombe gumi nembiri, nzombe kubva kumutungamiriri […]

Numeri 8

Mwenje inotungidzwa 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Taura naAroni uti kwaari, ‘Kana uchimisa mwenje minonwe, inofanira kuvhenekera nzvimbo iri mberi kwechigadziko chomwenje.’ ” 3 Aroni akaita saizvozvo; akamisa mwenje kuti atarisane nechigadziko chomwenje, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 4 Aya ndiwo magadzirirwo akanga akaitwa chigadziko chomwenje: Chakanga chakaitwa negoridhe rakapambadzirwa kubva pahwaro hwacho kusvikira pamaruva […]

Numeri 9

Pasika 1 Jehovha akataura kuna Mozisi murenje reSinai mumwedzi wokutanga wegore rechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti. Akati kwaari, 2 “Ita kuti vaIsraeri vapemberere Pasika panguva yakatarwa. 3 Muipemberere panguva yakatarwa, panguva yorubvunzavaeni pazuva regumi namana romwedzi, maererano nemitemo yayo nemirayiro yayo yose.” 4 Saka Mozisi akataurira vaIsraeri kuti vapemberere Pasika, 5 ivo vakaita saizvozvo murenje […]

Numeri 10

Hwamanda dzeSirivha 1 Jehovha akati kuna Mozisi, 2 “Ita hwamanda mbiri dzesirivha yakapambadzirwa, ugodzishandisa kudana ungano pamwe chete uye kuti mapoka afambe. 3 Dzikaridzwa dzose dziri mbiri, ungano yose inofanira kuungana pamberi pako pamukova weTende Rokusangana. 4 Kana imwe chete ikaridzwa, vatungamiri, vakuru vedzimba dzaIsraeri, vanofanira kuungana pamberi pako. 5 Hwamanda yeyambiro painoridzwa marudzi akavaka […]