Hagai 1

Vanhu vanokokwa kuti vazovaka Imba yaJehovha 1 Mugore rechipiri ramambo Dhariasi, pazuva rokutanga romwedzi wechitanhatu, shoko raJehovha rakasvika kubudikidza nomuprofita Hagai richienda kuna Zerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, nokuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki, muprista mukuru, richiti: 2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Vanhu ava vanoti, ‘Nguva haisati yasvika yokuti imba yaJehovha ivakwe.’ ” 3 Ipapo shoko raJehovha […]

Hagai 2

Kubwinya kweImba Itsva kunovimbiswa 1 Pazuva ramakumi maviri nerimwe romwedzi wechinomwe, shoko raJehovha rakasvika nokuna muprofita Hagai richiti, 2 “Taura naZerubhabheri mwanakomana waShearitieri, mubati weJudha, kuna Joshua mwanakomana waJehozadhaki muprista mukuru, nokuvanhu vakasara. Uvabvunze kuti, 3 ‘Ndiani pakati penyu vakasara akaona imba ino pakubwinya kwayo kwokutanga? Munoionawo sei zvino? Pakuona kwenyu haina kuita sapasina here? […]