VaEfeso 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, Kuvatsvene vari muEfeso, vakatendeka muna Kristu Jesu: 2 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive kwamuri. Maropafadzo oMweya muna Kristu 3 Kurumbidza ngakuve kuna Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu. 4 Nokuti akatisarudza maari […]

VaEfeso 2

Takaitwa vapenyu muna Kristu 1 Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi, 2 izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. 3 Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa […]

VaEfeso 3

Pauro Muparidzi kuvaHedheni 1 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi vaHedheni: 2 Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu, 3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora zvishoma. 4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa kuziva kwangu muchakavanzika chaKristu, 5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita […]

VaEfeso 4

Kubatana muMuviri waKristu 1 Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira. 2 Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo. 3 Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare. 4 Pano muviri mumwe noMweya mumwe, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa, 5 Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe; […]

VaEfeso 5

1 Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa 2 uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuwira uye sechibayiro kuna Mwari. 3 Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari. 4 Uye kufunga kusina maturo, nokutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo […]

VaEfeso 6

Vana naVabereki 1 Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka. 2 “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, 3 “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.” 4 Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe. Varanda naVanatenzi 5 Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye […]