Mako 1

Johani Mubhabhatidzi anogadzira Nzira 1 Kutanga kwevhangeri raJesu Kristu, Mwanakomana waMwari. 2 Kwakanyorwa muna Isaya muprofita kuchinzi: “Ndichatuma nhume yangu mberi kwako, uyo achagadzira nzira yako,” 3 “inzwi rounodana murenje, richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ” 4 Uye saizvozvo Johani akauya, achibhabhatidza murenje uye achiparidza rubhabhatidzo rwokutendeuka kuti varegererwe zvivi. 5 Nyika yose […]

Mako 2

Jesu anoporesa Munhu Akanga Akafa Mutezo 1 Shure kwamazuva mashoma shoma, Jesu akati apindazve muKapenaume, vanhu vakanzwa kuti akanga auya kumusha. 2 Saka vazhinji vakaungana zvokuti mumba makasara musisina nzvimbo kunyange kunze kwomukova, uye akaparidza shoko kwavari. 3 Vamwe varume vakasvika, vakauya kwaari nomunhu akanga akafa mutezo, akatakurwa navarume vana. 4 Sezvo vakanga vasingagoni kusvika […]

Mako 3

1 Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. 2 Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. 3 Jesu akati kumunhu akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” 4 Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita […]

Mako 4

Mufananidzo woMukushi 1 Jesu akatanga kudzidzisazve ari pagungwa. Vanhu vakanga vakaungana vakamukomberedza vari vazhinji zhinji zvokuti akabva apinda mugwa akagara mariri ari mugungwa, asi vanhu vose vari kumahombekombe. 2 Akavadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo, uye mukudzidzisa kwake akati, 3 “Teererai! Murimi akabuda kundokusha mbeu yake. 4 Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, uye shiri dzakasvika dzikadzidya. […]

Mako 5

Kuporeswa kwoMurume Akanga Akabatwa naMadhimoni 1 Vakayambuka mhiri kwegungwa kunyika yavaGeraseni. 2 Jesu akati abuda mugwa, mumwe murume akanga ano mweya wakaipa akauya achibva kumakuva kuti azosangana naye. 3 Murume uyu aigara kumakuva, uye kwakanga kusisina munhu aigona kumusungazve, kunyange kana nengetani. 4 Nokuti kazhinji aisungwa maoko namakumbo, asi aidambura ngetani napakati uye achivhuna simbi […]

Mako 6

Muprofita haakudzwi 1 Jesu akabva ipapo akaenda kuguta rokwake, vadzidzi vake vachimutevera. 2 Sabata rakati rasvika, akatanga kudzidzisa musinagoge, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa. Vakabvunza vachiti, “Munhu uyu akawanepi zvinhu izvi? Uchenjeri hupi uhu hwaakapiwa hwokuti anotoita zvishamiso? 3 Ko, haasiye muvezi here? Ko, haasiye mwanakomana waMaria here nomukoma waJakobho, Josefa, Judhasi naSimoni? Ko, hanzvadzi dzake […]

Mako 7

Zvakachena neZvisina Kuchena 1 VaFarisi navamwe vavadzidzisi vomurayiro vakanga vauya kuJerusarema vakaungana pana Jesu 2 uye vakaona vamwe vavadzidzi vake vachidya zvokudya namaoko akanga ane “tsvina,” ndiko kuti, asina kushambwa. 3 VaFarisi navaJudha vose havadyi kunze kwokunge vamboshamba maoko avo, vachichengeta tsika dzavakuru. 4 Pavanenge vadzoka kumusika, havadyi kunze kwokunge vashamba. Uye vanocherechedza dzimwe tsika […]

Mako 8

Vanhu zviuru zvina vanopiwa zvokudya naJesu 1 Mumazuva iwayo vamwe vanhu vazhinji zhinji vakaungana. Sezvo vakanga vasina zvokudya, Jesu akadana vadzidzi vake kwaari akati, 2 “Ndino urombo kwazvo navanhu ava; atova mazuva matatu vaneni uye havana chokudya. 3 Kana ndikavaendesa vane nzara kumusha, vachaziya vakawira pasi nenzara munzira, nokuti vamwe vavo vakabva kure.” 4 Vadzidzi […]

Mako 9

1 Uye akati kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazoraviri rufu vasati vaona umambo hwaMwari huchisvika nesimba.” Kubwinya kwaJesu 2 Shure kwamazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, Jakobho naJohani pamwe chete naye akavatungamirira kugomo refu, kwavakanga vari voga. Akashanduka ikoko pamberi pavo. 3 Nguo dzake dzakapenya, dzikachena kupfuura zvingacheneswa nomunhu upi zvake munyika muno. 4 […]

Mako 10

Kurambana 1 Uye Jesu akabva panzvimbo iyoyo akaenda munyika yeJudhea uye akayambuka mhiri kweJorodhani. Vanhu vazhinji vakauyazve kwaari, uye sezvayakanga iri tsika yake, akavadzidzisa. 2 Vamwe vaFarisi vakauya vakamuedza nokumubvunza vachiti, “Zvinotenderwa here kuti munhu arambe mukadzi wake?” 3 Iye akati, “Mozisi akakurayirai kuti kudiniko?” 4 Ivo vakati, “Mozisi akatendera murume kuti anyore tsamba yokurambana […]