Zekaria 1

Vanhu vanokurudzirwa kuti vadzokere kuna Jehovha 1 “Mumwedzi worusere wegore rechipiri raDhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna muprofita Zekaria mwanakomana waBherekia, mwanakomana waIdho richiti, 2 “Jehovha akatsamwira madzibaba enyu zvikuru. 3 Naizvozvo udza vanhu kuti: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Dzokerai kwandiri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘neni ndichadzokera kwamuri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. 4 Musaita […]

Zekaria 2

Murume ane Rwodzi Rwokuyeresa 1 Ipapo ndakasimudza meso angu, zvino hapo pamberi pangu paiva nomurume aiva nerwodzi rwokuyeresa muruoko rwake! 2 Ndakabvunza ndikati, “Uri kuendepiko?” Akandipindura achiti, “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.” 3 Ipapo mutumwa aitaura neni akaenda, uye mumwe mutumwa akauya kuzosangana naye 4 uye akati kwaari: “Mhanya, undoudza jaya iro […]

Zekaria 3

Nguo dzakachena dzoMuprista Mukuru 1 Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere. 2 Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?” 3 Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. […]

Zekaria 4

Chigadziko chomwenje chegoridhe nemiti yemiorivhi miviri 1 Ipapo mutumwa akataura neni akauyazve kwandiri akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake. 2 Akandibvunza achiti, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona chigadziko chomwenje chegoridhe rizere, chine mbiya pamusoro pacho nemwenje minomwe pamusoro pacho, mwenje mumwe nomumwe une mbombi nomwe. 3 Uyezve pane miti miviri yemiorivhi parutivi pacho, mumwe kurutivi rworudyi rwembiya […]

Zekaria 5

Rugwaro Rwakapetwa Rwaibhururuka 1 Ndakatarisazve ndikaona, hapo pamberi pangu paiva norugwaro rwakapetwa rwaibhururuka! 2 Akandibvunza akati, “Unooneiko?” Ndakapindura ndikati, “Ndinoona rugwaro rwakapetwa rwuri kubhururuka, rwakareba makubhiti makumi maviria nokufara makubhiti gumib.” 3 Uye iye akati kwandiri, “Uku ndiko kutuka kunobuda pamusoro penyika yose; nokuti sezvazvakanyorwa kune rimwe divi, mbavha imwe neimwe ichaparadzwa, uye sezvazvakanyorwa kune […]

Zekaria 6

Ngoro Ina 1 Ndakasimudzazve meso angu ndikaona, hapo pamberi pangu paiva nengoro ina dzaibuda kubva pakati pamakomo maviri, makomo endarira! 2 Ngoro yokutanga yakanga ine mabhiza matsvuku, yechipiri ine matema. 3 Yechitatu ine machena uye yechina ine mapfumbu, ose aiva nesimba. 4 Ndakabvunza mutumwa akanga achitaura neni ndikati, “Zviiko izvi, ishe wangu?” 5 Mutumwa akandipindura […]

Zekaria 7

Kururamisira neNgoni, kwete Kutsanya 1 Mugore rechina raMambo Dhariasi, shoko raJehovha rakasvika kuna Zekaria pazuva rechina romwedzi wepfumbamwe, mumwedzi weKisirevhi. 2 Vanhu veBhetieri vakanga vatuma Sharezeri naRegemi-Mereki, pamwe chete navanhu vavo, kuti vaende kuna Jehovha 3 kundokumbira kuvaprista veimba yaJehovha Wamasimba Ose nokuvaprofita vachiti, “Ndochema nokutsanya nomwedzi wechishanhu here, sezvandakaita kwamakore mazhinji aya?” 4 Ipapo […]

Zekaria 8

Jehovha anovimbisia kuropafadza Jerusarema 1 Shoko raJehovha Wamasimba Ose rakasvikazve kwandiri richiti: 2 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Ndine godo kwazvo pamusoro peZioni; ndiri kutsva negodo pamusoro paro.” 3 Zvanzi naJehovha, “Ndichadzokera kuZioni uye ndichagara muJerusarema. Ipapo Jerusarema richanzi Guta reZvokwadi, uye gomo raJehovha Wamasimba Ose richanzi Gomo Dzvene.” 4 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Varume navakadzi […]

Zekaria 9

Kutongwa kwaVavengi veIsraeri 1 Shoko raJehovha rinorwisana nenyika yeHadhiraki uye richagara pamusoro peDhamasiko, nokuti meso avanhu naamarudzi ose eIsraeri ari pana Jehovha, 2 uye napamusoro peHamatiwo, rakaganhurana naro, uye napamusoro peTire neSidhoni, kunyange zvazvo vane unyanzvi kwazvo. 3 Tire yakazvivakira nhare; yakaunganidza sirivha seguruva uye goridhe samarara omumugwagwa. 4 Asi Ishe achatora upfumi hwayo uye […]

Zekaria 10

Jehovha achachengeta Judha 1 Kumbirai kuna Jehovha mvura yomunakamwe; Jehovha ndiye anogadzira makore edutu. Anonayisa mvura kuvanhu, uye anopa zvirimwa zveminda kuno mumwe nomumwe. 2 Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema. vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi. 3 “Kutsamwa kwangu kunomukira vafudzi, uye ndicharova vatungamiri, nokuti […]