Mabasa aVapostori 1

Kukwira kwaJesu kuDenga 1 Mubhuku rangu rokutanga, Teofiro, ndakanyora pamusoro pezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu 2 kusvikira pazuva raakakwidzwa kudenga, shure kwokunge arayira, kubudikidza noMweya Mutsvene, vapostori vaakanga asarudza. 3 Shure kwokutambudzika kwake, akazviratidza kuvanhu ava akaratidza zviratidzo zvizhinji zvokuti iye akanga ari mupenyu. Akaonekwa navo mazuva anopfuura makumi mana uye akataura nezvoumambo hwaMwari. 4 […]

Mabasa aVapostori 2

Mweya Mutsvene unoburuka paPendekosti 1 Zuva rePendekosti rakati rasvika, vakanga vakaungana vose panzvimbo imwe chete. 2 Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga uye kukazadza imba yose yavakanga vagere. 3 Vakaona zvakanga zvakaita sendimi dzomoto dzakaparadzana uye dzikamhara pamusoro pomumwe nomumwe wavo. 4 Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene uye vakatanga kutaura nedzimwe ndimi sokupiwa kwavakaitwa noMweya. […]

Mabasa aVapostori 3

Petro anoporesa Chirema 1 Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwira kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. 2 Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. 3 Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. 4 Petro akamutarisisa, Johani […]

Mabasa aVapostori 4

Petro naJohani pamberi peDare Guru 1 Vaprista nomukuru wavarindi vetemberi navaSadhusi vakauya kuna Petro naJohani pavakanga vachiri kutaura navanhu. 2 Vakakanganisika zvikuru nokuti vapostori vakanga vachidzidzisa vanhu uye vachiparidza kumuka kwavakafa muna Jesu. 3 Vakabata Petro naJohani, uye nokuda kwokuti aiva manheru, vakavaisa mujeri kusvikira zuva raitevera. 4 Asi vazhinji vakanzwa shoko vakatenda, uye varume […]

Mabasa aVapostori 5

Ananiasi naSafira 1 Zvino mumwe murume ainzi Ananiasi, pamwe chete nomukadzi wake Safira, akatengesawo chikamu chepfuma yake. 2 Mukadzi wake achinyatsozvizivawo, akazvikamurira chimwe chikamu chemari, asi yakasara akauya nayo akaiisa pamberi pavapostori. 3 Ipapo Petro akati, “Ananiasi, Satani azadzireiko mwoyo wako kudai, kuti usvike pakureva nhema kuMweya Mutsvene uye wazvikamurira imwe mari yawawana pakutengesa munda? […]

Mabasa aVapostori 6

Kusarudzwa kwaVanomwe 1 Mumazuva iwayo vadzidzi zvavakanga vachiwedzerwa pauwandu, vaJudha vaitaura chiGiriki vaiva pakati pavo vakagunun’una pamusoro pavaJudha vaitaura chiHebheru nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwezvokudya zvemisi yose. 2 Saka vane gumi navaviri vakaunganidza vadzidzi vose pamwe chete vakati, “Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tirege ushumiri hweshoko raMwari kuti tishande pamatafura. 3 Hama, sarudzai varume vanomwe […]

Mabasa aVapostori 7

Sitefani anotaura kuDare Guru 1 Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?” 2 Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani. 3 Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’ 4 “Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara […]

Mabasa aVapostori 8

1 Uye Sauro akanga aripo achibvumirana nokufa kwake. Kereke inotambudzwa uye inoparadzirwa Nomusi uyo kutambudzwa kukuru kwakatanga pakereke yapaJerusarema, uye vose vakaparadzirwa muJudhea rose nomuSamaria. 2 Varume vaitya Mwari vakaviga Sitefani uye vakamuchema zvikuru. 3 Asi Sauro akatanga kuparadza kereke. Achipinda muimba neimba, akazvuzvurudza varume navakadzi achivaisa mutorongo. Firipi anoparidza muSamaria 4 Vaya vakanga vaparadzirwa […]

Mabasa aVapostori 9

Kutendeuka kwaSauro 1 Zvichakadaro Sauro akanga ari mubishi rokutaura zvokuuraya vadzidzi vaShe. Akaenda kumuprista mukuru 2 akandomukumbira matsamba kuti agoenda nawo kumasinagoge okuDhamasiko, kuti kana akawana ani zvake ari weNzira iyo, vangava varume kana vakadzi, iye aizovabata savasungwa agoenda navo kuJerusarema. 3 Akati oswedera kuDhamasiko ari parwendo rwake, pakarepo chiedza chakabva kudenga chikamupenyera kumativi ose. […]

Mabasa aVapostori 10

Koniriasi anodana Petro 1 PaKesaria pakanga pano mumwe murume ainzi Koniriasi, mukuru wezana weHondo yavaItaria. 2 Iye nemhuri yake vakanga vakazvipira uye vaitya Mwari; aipa kwazvo kuna vanoshayiwa uye ainyengetera kuna Mwari nguva dzose. 3 Mumwe musi panguva inenge yechitatu masikati akaona chiratidzo. Akanyatsoona mutumwa waMwari, uyo akauya kwaari akati, “Koniriasi!” 4 Koniriasi akatarisa kwaari […]