Mapisarema 1

1 Akaropafadzwa munhu asingafambi panorangana vakaipa, asingamiri panzira yavatadzi, asingagari pachigaro chavadadi. 2 Asi anofarira murayiro waJehovha, uye anofungisisa murayiro wake masikati nousiku. 3 Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka. 4 Vakaipa havana kudaro! Vakafanana nehundi inopepereswa nemhepo. 5 Naizvozvo vakaipa havangamiri […]

Mapisarema 2

1 Ndudzi dzinoitireiko bope? Uye vanhu vanorangarireiko zvisina maturo? 2 Madzimambo enyika azvigadzirira uye vabati vanoungana pamwe chete kuti vazorwa naJehovha, uye kuti vazorwisa Muzodziwa Wake. 3 Vanoti, “Ngatidamburei ngetani dzavo, tigorasha mabote avo.” 4 Iye agere pachigaro choushe chokudenga anoseka; Ishe anovadadira. 5 Ipapo anovatuka mukutsamwa kwake uye anovavhundutsa muhasha dzake, achiti, 6 “Ndakagadza […]

Mapisarema 3

Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake. 1 Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei! Vakawanda sei vanondimukira! 2 Vazhinji vanoti kwandiri, “Mwari haangamudzikinuri.”Sera 3 Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza; munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu. 4 Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru, uye iye anondipindura ari pagomo rake dzvene.Sera 5 Ndinovata pasi ndigokotsira; ndinomukazve, […]

Mapisarema 4

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndipindurei pandinodana kwamuri, imi Mwari wangu akarurama. Ndisunungurei pakutambudzika kwangu; ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu. 2 Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko? Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?Sera 3 Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda; Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari. 4 Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza; […]

Mapisarema 5

Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi. 1 Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha. Rangarirai chikumbiro changu. 2 Teererai inzwi rokuchema kwangu, Mambo wangu naMwari wangu, nokuti ndinonyengetera kwamuri. 3 Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha; mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu uye ndichimirira netariro. 4 Imi hamuzi Mwari anofarira zvakaipa; munhu akaipa haangagari nemi. 5 […]

Mapisarema 6

Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Sezvinoitwa kusheminiti. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, regai kundirayira pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga muhasha dzenyu. 2 Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya; haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza. 3 Mweya wangu uri kurwadziwa. Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko? 4 Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira; ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi. 5 […]

Mapisarema 7

Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBenjamini. 1 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri; ndipone uye mundirwire pana vose vanondidzinganisa, 2 kuti varege kundibvambura seshumba nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura. 3 Haiwa Jehovha, Mwari wangu, kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu, 4 kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni kana kupamba muvengi […]

Mapisarema 8

Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi. 1 Haiwa Jehovha, Ishe wedu, zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose! Makaisa kubwinya kwenyu kudenga kumusoro. 2 Pamiromo yavana navacheche makaisa rumbidzo nokuda kwavavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nomutsivi. 3 Kana ndichifunga matenga enyu, iro basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi, zvamakarongedza panzvimbo yazvo, 4 munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu […]

Mapisarema 9

Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa Kwomwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi. 1 Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose; ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose. 2 Ndichafara nokufarisisa mamuri; ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro. 3 Vavengi vangu vanodzokera shure; vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu. 4 Nokuti makatsigira kodzero yangu nemhosva yangu; makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo. 5 […]

Mapisarema 10

1 Munomirireiko kure, imi Jehovha? Munozvivanzireiko panguva yokutambudzika? 2 Pakuzvikudza kwake munhu akaipa anovhima vasina simba, vanobatwa namano okufunga kwake. 3 Anozvirumbidza pamusoro pezvinopangwa nomwoyo wake; anoropafadza vanokara uye anozvidza Jehovha. 4 Pakuzvikudza kwake wakaipa haamutsvaki; mundangariro dzake dzose hamuna nzvimbo yaMwari. 5 Nzira dzake dzinobudirira nguva dzose; anozvikudza uye mirayiro yenyu iri kure naye; […]