Obhadhia 1

1 Zvakaratidzwa Obhadhia. Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro peEdhomu— Takanzwa shoko rakabva kuna Jehovha richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kuti indotaura ichiti, “Simukai, tiende tindorwa hondo naye”– 2 “Tarirai, ndichakudukupisai pakati pendudzi; muchamhurwa zvachose. 3 Kuzvikudza kwemwoyo yenyu kwakakunyengerai, iyemi mugere mumikaha yamatombo muchiita kwakakwirira misha yenyu, imi munoti mumwoyo yenyu, ‘Ndianiko angandiburutsira pasi?’ 4 Kunyange mukabhururuka […]