1 Johani 1

Shoko roUpenyu 1 Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, izvo zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira uye zvatakabata namaoko, izvozvi ndizvo zvatinoparidza zveShoko roupenyu. 2 Upenyu hwakaonekwa; takahuona uye tikapupura nezvahwo, uye tinoparidza kwamuri upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba uye hwakaratidzwa kwatiri. 3 Tinoparidza kwamuri zvatakaona nezvatakanzwa, kuti nemiwo mugowadzana nesu. Uye tinowadzana naBaba noMwanakomana wavo, […]

1 Johani 2

1 Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama. 2 Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose. 3 Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake. 4 Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi […]

1 Johani 3

1 Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye. 2 Shamwari dzinodiwa, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari. 3 Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena. 4 […]

1 Johani 4

Edzai Mweya 1 Shamwari dzinodikanwa, musatenda mweya yose yose, asi edzai mweya kuti muone kana ichibva kuna Mwari, nokuti vaprofita vazhinji venhema vakapinda munyika. 2 Aya ndiwo maziviro amungaita Mweya waMwari: mweya mumwe nomumwe unopupura kuti Jesu Kristu akauya munyama unobva kuna Mwari, 3 asi mweya wose usingapupuri Jesu haubvi kuna Mwari. Ndiwo mweya waandikristu, […]

1 Johani 5

Kutenda muMwanakomana waMwari 1 Mumwe nomumwe anotenda kuti Jesu ndiye Kristu, akaberekwa naMwari, uye mumwe nomumwe anoda baba anodawo mwana wavo. 2 Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tinoda vana vaMwari: kana tichida Mwari uye tichiita mirayiro yake. 3 Uku ndiko kuda Mwari: kuteerera mirayiro yake. Uye mirayiro yake hairemi, 4 nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda […]