Jakobho 1

1 Jakobho, muranda waMwari nowaIshe Jesu Kristu, Kumarudzi gumi namaviri akapararira pakati pendudzi: Kwaziwai. Kutambudzwa neMiedzo 2 Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, 3 nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. 4 Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. 5 Kana mumwe […]

Jakobho 2

Kutsaura Vanhu Kunorambidzwa 1 Hama dzangu, savatendi muna Ishe wedu wokubwinya iye Jesu Kristu, musava vatsauri vavanhu. 2 Kana mumwe munhu akauya akapinda mumusangano wenyu akapfeka mhete yegoridhe nenguo dzakaisvonaka, uye murombo akapfeka mamvemve akapindawo, 3 kana mukaremekedza munhu akapfeka nguo dzakaisvonaka uye mukati, “Hechi chigaro chenyu chakanaka,” asi kumurombo mukati, “Iwe mira apo,” kana […]

Jakobho 3

Kudzora Rurimi 1 Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu vanodzidzisa tichatongwa zvikuru. 2 Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose. 3 Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo. 4 Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. […]

Jakobho 4

Zviisei pasi paMwari 1 Kurwa nokukakavara pakati penyu kunobvepiko? Hakubvi pakuchiva kwenyu kunorwa mukati menyu here? 2 Munoda chimwe chinhu asi hamuchiwani. Munouraya uye munochiva, asi hamugoni kuwana zvamunoda. Munokakavadzana uye munorwa. Hamuna chinhu, nokuti hamukumbiri Mwari. 3 Pamunokumbira, hamugamuchiri, nokuti munokumbira zvakaipa, kuti mugoshandisa zvamunowana pamafaro enyu. 4 Imi vanhu voupombwe, hamuzivi kuti ushamwari […]

Jakobho 5

Yambiro kuVapfumi 1 Zvino inzwai, imi vapfumi, chemai muungudze nokuda kwenjodzi iri kuuya pamusoro penyu. 2 Upfumi hwenyu hwaora, uye nguo dzenyu dzakadyiwa nezviundudzi. 3 Goridhe renyu nesirivha zvava nengura. Ngura yazvo ichakupupurirai zvakaipa uye zvichapedza nyama yenyu somoto. Makazvichengetera upfumi mumazuva okupedzisira. 4 Tarirai mibayiro yamakatadza kupa vashandi venyu vaicheka muminda yenyu iri kudanidzira […]