Habhakuki 1

1 Chirevo chakaratidzwa muprofita Habhakuki. Kugunun’una kwaHabhakuki 2 Haiwa Jehovha, ndicharamba ndichidanidzira, ndichitsvaka rubatsiro kusvikira riniko, asi musingandinzwi? Kana kudana kwamuri ndichiti, “Ndorwiswa!” asi hamundiponesi? 3 Sei muchiita kuti ndione kusaruramisira? Sei muchirega zvakaipa zvichingoitwa? Kuparadza nokuita nechisimba zviri pamberi pangu; pano kukakavara, uye kurwa kuri kuwanda. 4 Naizvozvo murayiro hauchisina simba, uye kutonga kwakarurama […]

Habhakuki 2

1 Ndichandomira panzvimbo yangu yokurinda ndichazviisa panzvimbo yakakwirira; ndichatarisa ndione zvaachareva kwandiri uye zvandingapindura pamusoro pokuchema uku. Mhinduro yaJehovha 2 Ipapo Jehovha akapindura achiti, “Nyora chiratidzo ichi, uite kuti chionekwe kwazvo pamahwendefa kuti anoverenga agoverenga achimhanya. 3 Nokuti chiratidzo ichi chakamirira nguva yakatarwa; chinotaura nezvamagumo uye hachingarevi nhema. Kunyange dai chikanonoka, chimirire; zvirokwazvo chichauya, hachizononoki. […]

Habhakuki 3

Munyengetero waHabhakuki 1 Munyengetero wamuprofita Habhakuki unoimbwa neshigionoti. 2 Jehovha, ndakanzwa zvomukurumbira wenyu; haiwa Jehovha, ndinomira ndichitya mabasa enyu. Avandudzei pamazuva edu, panguva yedu ngaaziviswe; pakutsamwa kwenyu rangarirai tsitsi. 3 Mwari akabva kuTemani, iye Mutsvene akabva kuGomo reParani. Sera Umambo hwake hwakazadza matenga uye mbiri yake yakazadza nyika. 4 Kubwinya kwake kwakaita sokubuda kwezuva; bwerazuva […]