Mika 1

1 Shoko raJehovha rakauya kuna Mika weMoresheti panguva yokutonga kwaJotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo aJudha, chiratidzo chaakaona pamusoro peSamaria neJerusarema. 2 Inzwai, imi marudzi avanhu, imi mose, teerera, iwe nyika navose vari mauri, kuti Ishe Jehovha achakupai mhosva, Jehovha ari mutemberi yake tsvene. Kutongwa kweSamaria neJerusarema 3 Tarirai! Jehovha ari kubuda panzvimbo yake: anoburuka pasi agotsika […]

Mika 2

Urongwa hwoMunhu nohwaMwari 1 Vane nhamo avo vanoronga zvakaipa, avo vanoronga zvakaipa pamibhedha yavo! Pakuedza kwamangwanani vanozviita nokuti zviri musimba ravo kuzviita. 2 Vanochiva minda vagoipamba, nedzimba, uye vagodzitora. Vanobira munhu imba yake, nomuvakidzani nhaka yake. 3 Naizvozvo Jehovha anoti, “Ndiri kuronga njodzi yokurwisa nayo vanhu ava, zvamusingagoni kuzvidzivirira kwazviri. Hamuchazofambizve muchizvikudza, nokuti ichava nguva […]

Mika 3

Vatungamiri navaprofita vanotsiurwa 1 Ipapo ndakati, “Teererai imi vatungamiri vaJakobho, imi vatongi veimba yaIsraeri. Hamufaniri kuziva kururamisira here, 2 imi munovenga zvakanaka muchida zvakaipa; munofunura ganda pamapfupa; 3 munodya nyama yavanhu vangu, munobvisa ganda ravo, muchivhuna mapfupa avo kuita zvidimbu; munovatema-tema senyama yomupani, senyama yomuhari?” 4 Ipapo vachadana kuna Jehovha, asi haangavadaviri. Panguva iyoyo achavanza […]

Mika 4

Gomo raJehovha 1 Mumazuva okupedzisira gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa segomo guru pakati pamakomo; richasimudzwa pamusoro pezvikomo, uye marudzi achaenda kwariri. 2 Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai, handei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho. Achatidzidzisa nzira dzake, kuti tigofamba munzira dzake.” Murayiro uchabuda kubva paZioni, shoko raJehovha kubva paJerusarema. 3 Achatonga pakati pamarudzi mazhinji nokupedza gakava pandudzi […]

Mika 5

Mutongi akavimbiswa kubva muBheterehema 1 Unganidza mauto ako, iwe guta ramauto, nokuti takombwa nomuvengi. Vacharova mutongi waIsraeri padama netsvimbo. 2 “Asi iwe, Bheterehema Efurata, kunyange uri muduku pakati pamarudzi aJudha, kwauri kuchandibudira mumwe achava mutongi pamusoro peIsraeri, mavambo ake ndeakare kare, kubva pamazuva akare kare.” 3 Naizvozvo Israeri achasiyiwa kusvikira panguva iyo, iye anorwadziwa azvara […]

Mika 6

Jehovha anopa Israeri mhosva 1 Teererai zvinotaurwa naJehovha: “Simukai, taurai nyaya yenyu pamberi pamakomo; zvikomo ngazvinzwe zvamunoda kutaura. 2 Chinzwai imi makomo, kupomera kwaJehovha; teererai, imi hwaro hwenyika hunogara nokusingaperi. Nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa vanhu vake; anopa Israeri mhosva. 3 “Vanhu vangu, chiiko chandakakuitirai? Ndakakuremedzai neiko? Ndipindurei. 4 Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai […]

Mika 7

Nhamo yeIsraeri 1 Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga. 2 Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure. 3 Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira […]