Jobho 1

Mavambo 1 Munyika yeUzi maiva nomumwe murume ainzi Jobho. Murume uyu akanga asina chaangapomerwa uye akarurama; aitya Mwari uye ainzvenga zvakaipa. 2 Akanga ana vanakomana vanomwe navanasikana vatatu, 3 uye akanga ana makwai zviuru zvinomwe, ngamera zviuru zvitatu, nenzombe dzairingana majoko mazana mashanu, uye mazana mashanu embongoro hadzi, navaranda vakawanda kwazvo. Akanga ari munhu mukuru […]

Jobho 2

Kuedzwa kwaJobho kweChipiri 1 Rimwe zuvazve vatumwa vakauya kuzomira pamberi paJehovha, uye Satani akasvika pamwe chete navo kuti andomirawo pamberi pake. 2 Zvino Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika napakukwira nokudzika mairi.” 3 Ipapo Jehovha akati kuna Satani, “Warangarira here muranda wangu Jobho? Hakuna munhu akafanana naye panyika, haana […]

Jobho 3

Jobho anotaura 1 Shure kwaizvozvo, Jobho akashamisa muromo wake ndokutuka zuva rokuberekwa kwake. 2 Akati: 3 “Zuva rokuberekwa kwangu ngariparare, uye nousiku hwakanzi, ‘Kwaberekwa mwanakomana!’ 4 Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro. 5 Rima nomumvuri wakasviba ngazviritore zvakare; gore ngarigare pamusoro paro; kusviba ngakufukidze chiedza […]

Jobho 4

Erifazi 1 Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti: 2 “Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura? 3 Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba. 4 Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta. 5 Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; […]

Jobho 5

1 “Chidana zvino kana uchida, asi ndianiko achadavira? Uchadzokera kuno upiko wavatsvene? 2 Kutsamwa kunouraya benzi, uye godo rinouraya asina mano. 3 Ini pachangu ndakaona benzi richidzika midzi, asi pakarepo imba yake yakatukwa. 4 Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira. 5 Vane nzara vanodya zvaakacheka, vachizvitora kunyange pakati peminzwa, uye vane nyota vanodokwairira […]

Jobho 6

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Dai chete kurwadziwa kwangu kwaigona kuyerwa uye kusuwa kwangu kwaiiswa pachiyero! 3 Zvirokwazvo zvairema kupfuura jecha ramakungwa, hazvishamisi kana mashoko angu aiva okuvhurumuka. 4 Miseve yoWamasimba Ose iri mandiri, mweya wangu unonwa muchetura wayo; kutyisa kwaMwari kwagadzirira kurwa neni. 5 Ko, mbizi ingachema kana ine bundo here? Ko, […]

Jobho 7

1 “Ko, munhu haabati zvakaoma panyika here? Ko, mazuva ake haana kuita soomushandi here? 2 Senhapwa inoshuva mimvuri yamadekwana, kana mubati akamirira kwazvo mubayiro wake, 3 saizvozvo ndakagoverwa mwedzi isina maturo, uye usiku hwokutambudzika hwakagoverwa kwandiri. 4 Pandinovata pasi ndinofunga kuti, ‘Ndichamuka riniko?’ Usiku hunononoka, uye ndinoshandukashanduka kusvikira mambakwedza. 5 Muviri wangu wakafukidzwa nehonye uye […]

Jobho 8

Bhiridhadhi 1 Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati: 2 “Uchasvika riini uchitaura zvinhu zvakadai? Mashoko ako imhepo inovhuvhuta. 3 Ko, Mwari angaminamisa zvakarurama here? 4 Vana vako pavakamutadzira, akavapa kurangwa kwechivi chavo. 5 Asi kana ukatarisa kuna Mwari uye ukademba kuna Wamasimba Ose, 6 kana uri mutsvene uye wakarurama, kunyange izvozvi achasimuka kuti akurwire, agokudzoserazve panzvimbo […]

Jobho 9

Jobho 1 Ipapo Jobho akapindura akati: 2 “Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko? 3 Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete panguva ine chiuru. 4 Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga? 5 Anobvisa makomo iwo asingazivi ndokuapidigura pakutsamwa kwake kukuru. […]

Jobho 10

1 “Ndinosema upenyu hwangu chaihwo, naizvozvo ndicharega kunyarara pakunyunyuta kwangu ndigotaura neshungu dzomwoyo wangu. 2 Ndichati kuna Mwari: Musandipa mhosva asi mundiudze mhaka yangu nemi. 3 Ko, kundimanikidza kunokufadzai, kuti muzvidze basa ramaoko enyu, muchinyemwerera kurangano dzavakaipa here? 4 Ko, imi muna meso enyama here? Munoona sokuona kunoita munhu anofa here? 5 Ko, mazuva enyu […]