Zvirevo 1

Mavambo: Chinangwa neDingindira 1 Zvirevo zvaSoromoni mwanakomana waDhavhidhi, mambo weIsraeri: 2 kuti uwane uchenjeri nokurayirwa; nokunzwisisa mashoko enjere; 3 kuti uve noupenyu hwokuzvibata hune uchenjeri uchiita zvakarurama nokururamisira uye nokuenzanisira; 4 kuti vasina mano vapiwe uchenjeri, jaya ripiwe ruzivo namano, 5 vakachenjera ngavanzwe uye vagowedzera pakudzidza kwavo, uye vanonzvera ngavawane kutungamirirwa, 6 kuti vanzwisise zvirevo […]

Zvirevo 2

Kunaka kwoUchenjeri 1 Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri, 2 ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa, 3 uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa, 4 uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa, 5 ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo […]

Zvirevo 3

Munhu ngaatye Jehovha, avimbe naye uye amuteerere 1 Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu, asi uchengete mirayiro yangu mumwoyo mako, 2 nokuti zvichawedzera makore mazhinji kuupenyu hwako, uye nokubudirira. 3 Rudo nokutendeka ngazvirege kukusiya; uzvisungirire pamutsipa wako, zvinyore pahwendefa yomwoyo wako. 4 Ipapo uchawana nyasha nezita rakanaka pamberi paMwari navanhu. 5 Vimba naJehovha nomwoyo wako wose […]

Zvirevo 4

Uchenjeri chinhu chikuru 1 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa venyu; nyatsoteererai mugowana kunzwisisa. 2 Ndinokupai dzidziso yakanaka, saka regai kurasa dzidziso yangu. 3 Pandakanga ndiri mukomana mumba mababa vangu, ndichiri muduku uye mwana mumwe chete wamai vangu, 4 baba vangu vakandidzidzisa vachiti, “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu; chengeta mirayiro yangu ugorarama. 5 Wana uchenjeri, wana […]

Zvirevo 5

Yambiro pamusoro poUpombwe 1 Mwanakomana wangu, nyatsoteerera kuuchenjeri hwangu, teereresa kumashoko angu oungwaru, 2 kuti ugare wakachengeta kungwara uye kuti miromo yako ichengetedze zivo. 3 Nokuti miromo yomukadzi chifeve inodonha uchi, nomutauriro wake unotedza kupfuura mafuta; 4 asi pakupedzisira anovava senduru, anopinza somunondo unocheka namativi ose. 5 Tsoka dzake dzinoenda kurufu; nhambwe dzake dzinonanga kuguva. […]

Zvirevo 6

Yambiro pamusoro poUpenzi 1 Mwanakomana wangu, kana uchinge waita rubatso kumuvakidzani wako, kana uchinge waita mhiko nokumbunda noruoko rwako kuno mumwe, 2 kana uchinge wasungwa nokuda kwezvawakataura, wabatwa namashoko omuromo wako, 3 ipapo ita izvi, mwanakomana wangu, kuti uzvisunungure, sezvo wawira mumaoko omuvakidzani wako! Enda undozvininipisa; ukumbire zvikuru kumuvakidzani wako! 4 Usatendera meso ako hope, […]

Zvirevo 7

Yambiro pamusoro poMukadzi Chifeve 1 Mwanakomana wangu, chengeta mashoko angu ugoviga mirayiro yangu mauri. 2 Chengeta mirayiro yangu ugorarama; uchengete dzidziso dzangu semboni yeziso rako. 3 Uzvisungirire paminwe yako; uzvinyore pahwendefa yomwoyo wako. 4 Uti kuuchenjeri, “Uri hanzvadzi yangu.” uye uti kunzwisisa ndiyo hama yako; 5 zvichakuchengeta kure nomukadzi chifeve; kubva pamudzimai asingazvibati anokwezva namashoko […]

Zvirevo 8

Kudana kwoUchenjeri 1 Ko, uchenjeri hahudanidziri here? Kunzwisisa hakusimudziri inzwi rako here? 2 Panzvimbo dzakakwirira panzira, pamharadzano dzenzira, ndipo pahumire; 3 parutivi rwamasuo okupinda muguta, pamikova, hunodanidzirisa huchiti, 4 “Kwamuri, imi varume, ndinodanidzira; ndinosimudzira inzwi rangu kuvanhu vose. 5 Imi vasina mano, wanai uchenjeri; imi mapenzi, wanai kunzwisisa. 6 Teererai, nokuti ndine zvinhu zvinokosha zvokutaura; […]

Zvirevo 9

Kukoka kwoUchenjeri nekwoUpenzi 1 Uchenjeri hwakavaka imba yahwo; hwakaveza mbiru dzahwo nomwe. 2 Hwakabika nyama yahwo; uye hukavhenganisa waini yahwo; hwagadzirawo tafura yahwo. 3 Hwakatuma varandakadzi vahwo, uye hunodanhidzira kubva panzvimbo yakakwirira kwazvo yeguta. 4 Kuna avo vanoshayiwa njere hunoti, “Vose vasina mano ngavauye muno! 5 Uyai, mudye zvokudya zvangu munwe waini yandavhenganisa. 6 Siyai […]

Zvirevo 10

Zvirevo zvaSoromoni 1 Zvirevo zvaSoromoni: Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake, asi mwanakomana benzi anosuwisa mai vake. 2 Pfuma yakawanikwa zvakaipa haibatsiri chinhu, asi kururama kunorwira parufu. 3 Jehovha haatenderi akarurama kuti anzwe nzara, asi kupanga kwowakaipa anokusundira kure. 4 Maoko ane usimbe anoita kuti munhu ave murombo, asi maoko anoshingaira anopfumisa. 5 Uyo anounganidza zvirimwa […]