Jona 1

Jona anotiza kubva pamberi paJehovha 1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Jona mwanakomana waAmitai, richiti, 2 “Enda kuguta guru reNinevhe undoriparidzira, nokuti kuipa kwaro kwasvika pamberi pangu.” 3 Asi Jona akatiza kubva pamberi paJehovha akananga kuTashishi. Akaburuka akaenda kuJopa, kwaakawana chikepe chaienda ikoko. Mushure mokubvisa mari yokufambisa, akakwira ndokuenda kuTashishi kuti atize kubva kuna Jehovha. 4 […]

Jona 2

Munyengetero waJona 1 Kubva mudumbu rehove Jona akanyengetera kuna Jehovha Mwari wake. 2 Akati: “Mudambudziko rangu ndakadana kuna Jehovha, iye akandipindura. Kubva mukati meguva ndakadanidzira kuti ndibatsirwe, uye imi makanzwa kuchema kwangu. 3 Makandikandira makadzika, mumwoyo chaimo megungwa, uye mvura zhinji ikandikomberedza; mafungu enyu ose namapopoma enyu ose zvakapfuura napamusoro pangu. 4 Ndakati, ‘Ndaraswa kubva […]

Jona 3

Jona anoenda kuNinevhe 1 Ipapo shoko raJehovha rakasvika kuna Jona kechipiri richiti, 2 “Enda kuguta reNinevhe undoriparidzira shoko randinokupa.” 3 Jona akateerera shoko raJehovha akaenda kuNinevhe. Zvino Ninevhe raiva guta guru kwazvo, rwendo rwamazuva matatu. 4 Pazuva rokutanga Jona akapinda muguta. Akaparidza achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, mushure maizvozvo Ninevhe richaparadzwa.” 5 Vanhu veNinevhe vakatenda […]

Jona 4

Kutsamwa kwaJona nokuda kwetsitsi dzaJehovha 1 Asi Jona haana kufadzwa nazvo uye akatsamwa. 2 Akanyengetera kuna Jehovha akati, “Imi Jehovha, izvi hazvisizvo here zvandakataura ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutiza ndichienda kuTashishi? Ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa uye azere norudo, Mwari anozvidzora pakutumira zvakaipa. 3 Zvino, imi Jehovha, torai zvenyu upenyu […]