2 Madzimambo 1

Jehovha anotonga Ahazia 1 Mushure mokufa kwaAhabhu, vaMoabhu vakamukira Israeri. 2 Zvino Ahazia akanga awira pasi napawindo rekamuri reimba yake yapamusoro kuSamaria akakuvara. Saka akatuma nhume akati kwavari, “Endai mundobvunza Bhaari-zebhubhi, mwari weEkironi, kuti aone kana ndichizopora pakukuvara uku.” 3 Asi mutumwa waJehovha akati kuna Eria muTishibhi, “Kwira kumusoro undosangana nenhume dzamambo weSamaria uti kwavari, […]

2 Madzimambo 2

Eria anoenda kuDenga 1 Jehovha paakanga ava kuda kutora Eria nechinyamupupuri kuti amuendese kudenga, Eria naErisha vakanga vari munzira vachibva kuGirigari. 2 Eria akati kuna Erisha, “Gara pano, nokuti Jehovha andituma kuBheteri.” Asi Erisha akati, “Zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwenyu, handingakusiyei.” Naizvozvo vakadzika kuBheteri. 3 Boka ravaprofita vapaBheteri rakauya kuna Erisha vakamubvunza vakati, “Unoziva […]

2 Madzimambo 3

VaMoabhu vanomukira Joramu 1 Joramu, mwanakomana waAhabhu akava mambo weIsraeri muSamaria mugore regumi namasere raJehoshafati mambo weJudha, uye akatonga kwamakore gumi namaviri. 2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sezvakaita baba vake namai vake. Akabvisa dombo rinoera raBhaari rakanga raitwa nababa vake. 3 Kunyange zvakadaro, akanamatira kuzvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite, […]

2 Madzimambo 4

Mafuta eChirikadzi 1 Zvino mukadzi womumwe murume weboka ravaprofita akadanidzira kuna Erisha akati, “Muranda wenyu, murume wangu, afa, uye munoziva kuti iye aitya Jehovha. Asi zvino uyo waakanga atorera chikwereti ari kuuya kuzotora vanakomana vangu vaviri kuti vave nhapwa dzake.” 2 Erisha akamupindura akati, “Ndingakubatsira seiko? Nditaurire, chii chaunacho mumba mako?” Iye akati, “Murandakadzi wenyu […]

2 Madzimambo 5

Naamani Anoporeswa Maperembudzi 1 Zvino Naamani, mukuru wehondo yamambo weAramu, aiva munhu mukuru kwazvo pamberi patenzi wake uye aikudzwa zvikuru, nokuti kubudikidza naye, Jehovha akapa mambo weAramu kukunda. Aiva murwi ane simba noumhare, asi aiva namaperembudzi. 2 Zvino mauto eAramu akabuda kundorwa akadzoka ava nomusikana weIsraeri wavakanga vatapa, uye akashandira mukadzi waNaamani. 3 Akati kuna […]

2 Madzimambo 6

Demo rinopapamadzwa pamusoro pemvura 1 Zvino boka ravaprofita rakati kuna Erisha, “Tarisai, nzvimbo yatinosangana nemi yatiitira diki kwazvo. 2 Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; uye tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara.” Iye akati, “Endai.” 3 Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.” 4 Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda […]

2 Madzimambo 7

1 Asi Erisha akati, “Inzwai shoko raJehovha. Zvanzi naJehovha: Nenguva yakaita seino mangwana, seyaa roupfu hwakatsetseka richatengeswa neshekeri rimweb uye maseya maviric ebhari neshekeri pasuo reSamaria.” 2 Ipapo mukuru anova aiva ndiye ane ruoko rwakanga rwakasendamirwa namambo, akati kumunhu waMwari, “Tarira, kunyange dai Jehovha akazarura mawindo amatenga, kuti zvakadai zvingaitika?” Erisha akapindura akati, “Uchazviona iwe […]

2 Madzimambo 8

Mukadzi muShunami anodzorerwa munda wake 1 Zvino Erisha akanga ati kumukadzi waakararamisira mwanakomana wake, “Enda kure iwe neimba yako unogara chero paunogona kugara, nokuti Jehovha akarayira nzara ichapedza makore manomwe panyika.” 2 Naizvozvo mukadzi akasimuka akaita sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari. Akaenda iye neveimba yake akandogara kwamakore manomwe kunyika yavaFiristia. 3 Makore manomwe akati akapera, akadzoka […]

2 Madzimambo 9

Jehu anozodzwa kuti ave Mambo weIsraeri 1 Muprofita Erisha akadana murume aibva kuboka ravaprofita akati kwaari, “Chizvisunga chiuno chako, utore chinu chamafuta ugoenda kuRamoti Gireadhi. 2 Kana wasvikako, utsvake Jehu, mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi. Uende kwaari, umubvise pakati peshamwari dzake ugopinda naye muimba yomukati. 3 Ipapo utore chinu ugodira mafuta pamusoro wake uchiti, ‘Zvanzi naJehovha: […]

2 Madzimambo 10

Mhuri yaAhabhu inourayiwa 1 Zvino muSamaria maiva navanakomana vaAhabhu makumi manomwe. Saka Jehu akanyora matsamba akatumira kuSamaria achiti: kuvabati veJezireeri, kuvakuru navachengeti vavana vaAhabhu. Akati, 2 “Panongosvika tsamba iyi kwamuri, sezvo vana vatenzi wenyu vanemi uye ngoro namabhiza munazvo, guta rakakombwa uye nezvombo, 3 sarudzai mwanakomana watenzi wenyu akanaka, uye anokudzwa kukunda vose mugomugadza pachigaro […]