Zvakazarurwa 1

Mavambo

1 Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani,

2 iye anopupura zvose zvaakaona, iro shoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu Kristu.

3 Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.

Kwaziso noKurumbidzwa kwaMwari

4 Johani,

Kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia:

Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe,

5 nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika.

Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake,

6 uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari wake naBaba, vake ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni.

7 Tarirai, ari kuuya namakore,

uye meso ose achamuona,

kunyange naivo vakamubaya;

uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake.

Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.

8 “Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”

Mumwe akaita soMwanakomana woMunhu

9 Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu.

10 Pazuva raShe, ndakanga ndiri muMweya, uye ndikanzwa mushure mangu inzwi guru rinenge rehwamanda,

11 richiti, “Nyora mubhuku rakapetwa zvaunoona uye ugozvitumira kukereke nomwe: dzokuEfeso, Simina, Pegamo, Tiatira, Sadhisi, Firadherifia neRaodhikea.”

12 Ndakatendeuka ndikatarisa kuti ndione inzwi rakanga richitaura kwandiri. Uye ndakatendeuka ndikaona zvigadziko zvemwenje,

13 uye pakati pezvigadziko zvemwenje pakanga pano mumwe akanga “akaita somwanakomana womunhu,” akafuka nguo yaisvika kutsoka dzake uye ane bhanire regoridhe pachipfuva chake.

14 Musoro wake nebvudzi rake zvakanga zvakachena samakushe, zvakachena sechando, uye meso ake akanga akaita somurazvo womoto.

15 Tsoka dzake dzakanga dzakaita sendarira inopenya muvira romoto, uye inzwi rake rakanga rakaita somubvumo wemvura zhinji.

16 Akanga akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi, uye mumuromo make makabuda munondo unopinza, unocheka mativi ose. Chiso chake chakanga chakaita sezuva rinopenya nokupenya kwaro kwose.

17 Pandakamuona, ndakawira patsoka dzake kunge ndafa. Ipapo akaisa ruoko rwake rworudyi pamusoro pangu akati, “Usatya. Ndini Wokutanga neWokupedzisira.

18 Ndini iye Mupenyu; ndakanga ndafa, uye tarira, ndiri mupenyu nokusingaperiperi! Uye ndakabata kiyi dzorufu neHadhesi.

19 “Naizvozvo, nyora zvawaona, zviripo zvino nezvichazoitika shure kwaizvozvi.

20 Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rworudyi nechezvigadziko zvinomwe zvemwenje ndechichi: Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe, uye zvigadziko zvinomwe zvemwenje ndidzo kereke nomwe.

Zvakazarurwa 2

Kukereke yomuEfeso

1 “Kumutumwa wekereke iri muEfeso nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye akabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rworudyi uye anofamba pakati pezvigadziko zvinomwe zvemwenje:

2 ndinoziva mabasa ako, kubata kwako nesimba uye kutsungirira kwako. Ndinoziva kuti haudi kuonana navanhu vakaipa, uye kuti wakaedza avo vanozviti vapostori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari venhema.

3 Wakatsungirira uye ukava nomwoyo murefu pakutambudzika nokuda kwezita rangu, uye ukasaneta.

4 Asi ndine mhosva iyi newe: Wakasiya rudo rwako rwokutanga.

5 Rangarira pawakawa! Tendeuka uye uite zvinhu zvawakanga uchiita pakutanga. Kana usingatendeuki, ndichauya kwauri ndigobvisa chigadziko chako chomwenje panzvimbo yacho.

6 Asi chinhu ichi unacho: Unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga neniwo.

7 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti adye zvinobva pamuti woupenyu, uri muparadhiso yaMwari.

Kukereke iri muSimina

8 “Kumutumwa wekereke iri muSimina nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye Wokutanga noWokupedzisira, akafa uye akararamazve.

9 Ndinoziva kutambudzika kwako nourombo hwako, asi uri mupfumi! Ndinoziva kutuka kwaavo vanozviti vaJudha uye vasiri ivo, asi vari vesinagoge raSatani.

10 Usatya izvo zvava kuda kuzokutambudza. Ndinoti kwauri, dhiabhori achaisa vamwe venyu mutorongo kuti akuedzei, uye muchatambudzwa kwamazuva gumi. Ivai vakatendeka, kunyange kusvika pakufa, uye ini ndichakupai korona youpenyu.

11 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Anokunda haazokuvadzwi norufu rwechipiri.

Kukereke iri muPegamo

12 “Kumutumwa wekereke iri muPegamo nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye ano munondo unopinza, unocheka kumativi ose.

13 Ndinoziva paunogara, pachigaro choushe chaSatani. Asi wakaramba wakatendeka kuzita rangu. Hauna kuramba kutenda kwako kwandiri, kunyange mumazuva aAndipasi, chapupu changu chakatendeka, uyo akaurayiwa muguta renyu, munogara Satani.

14 Kunyange zvakadaro, ndine zvinhu zvishoma zvandinovenga pauri: Una vanhu ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharamu, uyo akadzidzisa Bharaki kuti anyengere vaIsraeri kuti vatadze vachidya zvokudya zvakabayirwa kuzvifananidzo uye nokuita upombwe.

15 Saizvozvowo, una vamwe vanobatirira kudzidziso yavaNikoraiti.

16 Naizvozvo, tendeuka! Zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kuzovarwisa nomunondo womuromo wangu.

17 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Kuno uyo anokunda, ndichamupa imwe mana yakavanzika. Ndichamupawo ibwe jena rine zita idzva rakanyorwa pariri, rinongozivikanwa naiye anorigamuchira.

Kukereke yomuTiatira

18 “Kumutumwa wekereke iri muTiatira nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko oMwanakomana waMwari, ane meso anenge murazvo womoto uye ane tsoka dzinopenya sendarira.

19 Ndinoziva mabasa ako, rudo rwako nokutenda kwako, kushumira kwako uye nokutsungirira kwako, uye kuti iye zvino uri kuita zvinopfuura zvawakaita pakutanga.

20 Kunyange zvakadaro, ndine mhosva iyi newe: Uri kutendera mukadzi uya Jezebheri, anozviti muprofitakadzi. Nokudzidzisa kwake anotsausa varanda vangu kuti vaite upombwe uye kuti vadye zvakabayirwa kuzvifananidzo.

21 Ndakamupa nguva yokutendeuka paupombwe hwake, asi haana kutendeuka.

22 Saka ndichamuisa panhoo yokutambudzika, uye ndichaita kuti vaya vaiita upombwe naye vatambudzike zvikuru, kana vakasatendeuka munzira dzavo.

23 Ndicharova vana vake norufu. Ipapo kereke dzose dzichaziva kuti ndini iye anonzvera mwoyo nendangariro, uye ndichatsiva mumwe nomumwe wenyu zvinoenderana namabasa ake.

24 Zvino ndinoti kwamuri mose imi muri paTiatira, kunemi vasingabatiriri padzidziso yake uye vasina kudzidza zvinonzi zvakavanzika zvaSatani (handichazoisi mimwe mitoro pamusoro penyu):

25 Batisisai chete icho chamunacho kusvikira ndauya.

26 Kuno uya anokunda uye achiita kuda kwangu kusvikira pakuguma, ndichamupa simba pamusoro pendudzi:

27 ‘Achavatonga netsvimbo yesimbi;

achavaputsa-putsa sezvaenga zvehari’

sokugamuchira kwandakaita simba kubva kuna Baba vangu.

28 Ndichamupawo nyeredzi yamangwanani.

29 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

Zvakazarurwa 3

Kukereke iri muSadhisi

1 “Kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye akabata mweya minomwe yaMwari uye nenyeredzi nomwe. Ndinoziva mabasa ako; unonzi uri mupenyu, asi wakafa.

2 Muka! Simbisa zvakasara zvoda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akakwana pamberi paMwari wangu.

3 Naizvozvo, rangarira zvawakagamuchira nezvawakanzwa; uzviteerere, uye utendeuke. Asi kana usingapepuki, ndichauya sembavha, uye haungazivi nguva yandichauya nayo kwauri.

4 Asi una vanhu vashoma muSadhisi vasina kusvibisa nguo dzavo. Vachafamba neni, vakapfeka nguo chena, nokuti ndivo vakafanira.

5 Anokunda achaita saivo, achashongedzwa nguo chena. Handingazodzimi zita rake kubva mubhuku roupenyu, asi ndichapupura zita rake pamberi paBaba vangu navatumwa vavo.

6 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.

Kukereke iri muFiradherifia

7 “Kumutumwa wekereke iri muFiradherifia nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye mutsvene uye wechokwadi, iye akabata kiyi yaDhavhidhi. Chaanozarura hakuna munhu anopfiga, chaanopfiga hakuna munhu anochizarura.

8 Ndinoziva mabasa ako. Tarira, ndaisa pamberi pako mukova wakazaruka usingagoni kupfigwa nomunhu. Ndinoziva kuti une simba shoma, asi wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.

9 Ndichaita kuti avo vari vesinagogi raSatani, vanozviti vaJudha kunyange vasiri ivo, asi varevi venhema, ndichaita kuti vauye uye vawire pasi petsoka dzako uye vagoziva kuti ndakakuda.

10 Sezvo wakachengeta murayiro wangu kuti utsunge nomwoyo murefu, ndichakuchengetawo panguva yokuedzwa iri kusvika pamusoro penyika yose kuzoedza avo vanogara panyika.

11 Ndiri kukurumidza kuuya. Batisisa icho chaunacho, kuti kurege kuva nomunhu anokutorera korona yako.

12 Uyo anokunda ndichamuita mbiru mutemberi yaMwari wangu. Haazombobudimo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, Jerusarema idzva, riri kuburuka richibva kudenga kuna Mwari; uye ndichanyorawo paari zita rangu idzva.

13 Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe, zvinoreva Mweya kukereke.

Kukereke iri paRaodhikea

14 “Kumutumwa wekereke iri muRaodhikea nyora kuti:

Aya ndiwo mashoko aiye Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, mutongi wezvisikwa zvaMwari.

15 Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti uve chimwe chaizvozvi!

16 Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu.

17 Unoti, ‘Ndakapfuma; ndakawana pfuma uye handina chandinoshayiwa.’ Asi hauzivi kuti une nhamo, unonzwisa urombo, uri murombo, uri bofu uye hauna kusimira.

18 Ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakanatswa nomoto, kuti upfume; uye uve nenguo chena dzokupfeka, kuitira kuti ufukidze nyadzi dzokusasimira kwako; nechizoro chokuisa mumeso ako, kuitira kuti ugone kuona.

19 Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, uye utendeuke.

20 Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni.

21 Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.

22 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”

Zvakazarurwa 4

Chigaro choUshe choKudenga

1 Shure kwaizvozvi ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pano mukova wakanga wakazaruka kudenga. Uye inzwi randakanzwa richitaura kwandiri rakanga rakaita sehwamanda, rakati, “Kwira kuno, ndigokuratidza zvinofanira kuitika shure kwaizvozvi.”

2 Pakarepo ndakava muMweya, uye ipapo pamberi pangu pakava nechigaro choushe kudenga, nomumwe akanga agere pamusoro pacho.

3 Uye akanga agerepo akanga akaita sedombo rejasipa nekarineri. Muraravungu, wakanga wakafanana nedombo reemaradhi, wakanga wakakomberedza chigaro choushe.

4 Zvimwe zvigaro zvoushe makumi maviri nezvina zvakanga zvakakomberedza chigaro choushe, uye vakanga vagere pamusoro pazvo vakanga vari vakuru makumi maviri navana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vane korona dzegoridhe mumisoro yavo.

5 Pachigaro choushe pakabuda kupenya kwemheni, kudengenyeka uye namaungira okutinhira. Pamberi pechigaro choushe, pakanga pane mwenje minomwe yaipfuta. Iyi ndiyo mweya minomwe yaMwari.

6 Pamberi pechigaro choushe paivawo nezvaitarisika segungwa regirazi, rakachena sedombo rekristaro. Pakati, paipoteredza chigaro choushe, pakanga pane zvisikwa zvina, uye zvakanga zvakafukidzwa nameso, mberi neshure.

7 Chisikwa chipenyu chokutanga chakanga chakaita seshumba, chechipiri chakanga chakaita senzombe, chechitatu chakanga chine chiso sechomunhu, chechina chakanga chakaita segondo rinobhururuka.

8 Chimwe nechimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chakanga china mapapiro matanhatu uye chakanga chakafukidzwa nameso kumativi ose, kunyange pasi pamapapiro acho. Masikati nousiku hazvina kumborega kuti:

“Mutsvene, mutsvene, mutsvene,

ndiye Ishe Mwari Wamasimba Ose,

akanga aripo, aripo, uye achazouya.”

9 Pose paipa zvisikwa zvipenyu mbiri, kukudzwa nokuvonga kuna iye anogara pachigaro choushe, iye anogara nokusingaperi-peri,

10 vakuru makumi maviri navana vaiwira pasi pamberi pake iye anogara pachigaro choushe, uye vaimunamata iye anogara nokusingaperi-peri. Vaikanda korona dzavo pamberi pechigaro choushe vachiti:

11 “Makafanira, Ishe naMwari wedu,

kugamuchira mbiri nokukudzwa,

uye nesimba,

nokuti makasika zvinhu zvose,

nokuda kwenyu zvakasikwa,

uye zviripo nokuda kwenyu.”

Zvakazarurwa 5

Gwayana neBhuku Rakapetwa

1 Ipapo ndakaona muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe bhuku rakanga rakapetwa, rakanga rakanyorwa kumativi ose uye rakanamwa nezvisimbiso zvinomwe.

2 Uye ndakaona mutumwa ane simba achidanidzira nenzwi guru achiti, “Ndiani akafanira kusunungura chisimbiso nokuzarura bhuku rakapetwa?”

3 Asi hakuna munhu kudenga kana panyika kana pasi penyika aigona kuzarura bhuku rakapetwa kana kunyange kutarira mukati maro.

4 Ndakachema nokuchema kukuru nokuti hakuna munhu akawanikwa akanga akafanira kuzarura bhuku rakapetwa kana kutarira mukati maro.

5 Ipapo mumwe wavakuru akati kwandiri, “Usachema! Tarira, Shumba yorudzi rwaJudha, Mudzi waDhavhidhi, akakunda. Iye anogona kuzarura bhuku rakapetwa nezvisimbiso zvaro zvinomwe.”

6 Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.

7 Rakauya rikatora bhuku rakapetwa muruoko rworudyi rwaiye akanga agere pachigaro choushe.

8 Uye rakati raritora, zvisikwa zvipenyu zvina navakuru makumi mana navana vakawira pasi pamberi peGwayana. Mumwe nomumwe akanga ano rudimbwa uye vakanga vakabata ndiro dzegoridhe dzakanga dzizere nezvinonhuwira, inova ndiyo minyengetero yavatsvene.

9 Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti:

“Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa nokuzarura zvisimbiso zvaro,

nokuti ndimi makaurayiwa,

uye neropa renyu makatengera Mwari

vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose,

navanhu nendudzi.

10 Makavaita ushe navaprista kuti vashumire Mwari wedu,

uye vachatonga panyika.”

11 Ipapo ndakatarira uye ndikanzwa inzwi ravatumwa vazhinji, zviuru nezviuru negumi rezviuru zvamazana. Vakakomberedza chigaro choushe nezvisikwa zvipenyu uye navakuru.

12 Vakaimba nenzwi guru vachiti:

“Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa,

kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya

uye nokurumbidzwa!”

13 Ipapo ndakanzwa zvisikwa zvose kudenga napanyika napasi penyika uye napamusoro pegungwa, nezvose zviri mazviri, zvichiimba zvichiti:

“Kuna iye anogara pachigaro choushe uye nokuGwayana.

Ngakuve nokurumbidzwa nokukudzwa nokubwinya uye nesimba,

nokusingaperi-peri!”

14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvakati, “Ameni,” uye vakuru vakawira pasi vakanamata.

Zvakazarurwa 6

Zvisimbiso

1 Ndakatarisa Gwayana paraizarura chimwe chezvisimbiso zvinomwe. Ipapo ndakanzwa chimwe chezvisikwa zvipenyu zvina chichiti nenzwi rainge romutinhiro, “Uya!”

2 Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena! Akanga akaritasva akanga akabata uta, uye akapiwa korona, akakwira akabuda somukundi kuti andokunda.

3 Gwayana rakati razarura chisimbiso chechipiri, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechipiri chichiti, “Uya!”

4 Ipapo rimwe bhiza rakabuda, riri dzvuku kwazvo. Mutasvi waro akapiwa simba rokubvisa rugare panyika nokuita kuti vanhu vaurayane. Munondo mukuru wakapiwa kwaari.

5 Gwayana rakati razarura chisimbiso chechitatu, ndakanzwa chisikwa chipenyu chechitatu chichiti, “Uya!” Ndakatarira, uye pamberi pangu ipapo pakanga pane bhiza dema! Mutasvi waro akanga akabata zviyero zviviri muruoko rwake.

6 Ipapo ndakanzwa kurira kwainge inzwi pakati pezvisikwa zvipenyu zvina richiti, “Chiyero chegorosi ndicho mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye zviyero zvitatu zvebhari ndizvo mubayiro webasa rezuva rimwe chete, uye musakanganisa mafuta newaini!”

7 Gwayana rakati razarura chisimbiso chechina, ndakanzwa inzwi rechisikwa chipenyu chechina richiti, “Uya!”

8 Ndakatarira, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza rakanga rakachenuruka! Mutasvi waro ainzi Rufu, uye Hadhesi rakanga richimutevera riri pedyo mumashure make. Vakanga vapiwa simba pamusoro pechikamu chechina chenyika kuti vauraye nomunondo, nenzara nedenda, uye nezvikara zvenyika.

9 Akati azarura chisimbiso chechishanu, ndakaona pasi pearitari mweya yaavo vakanga vaurayiwa nokuda kweshoko raMwari uye nokuda kwokupupura kwavakanga vaita.

10 Vakadanidzira nenzwi guru vachiti, “Ishe Tenzi, mutsvene wezvokwadi, mucharega kutonga vanogara panyika nokutsiva ropa redu kusvikira riniko?”

11 Ipapo mumwe nomumwe wavo akapiwa nguo chena, uye vakaudzwa kuti vamirire kwechinguva chiduku, kusvikira kuwanda, kwavamwe varanda pamwe chete navo nehama dzavo avo vaifanira kuurayiwa saivo, kwakwana.

12 Ndakatarira paaizarura chisimbiso chechitanhatu. Pakava nokudengenyeka kwenyika kukuru. Zuva rakasviba rikaita senguo dzamasaga dzakaitwa namakushe embudzi, mwedzi wose ukashanduka ukatsvuka seropa,

13 uye nyeredzi dzomudenga dzakawira panyika, samaonde eshure azuka kubva mumuonde paunenge wazungunuswa nemhepo ine simba.

14 Denga rakabva sebhuku rinopetwa, uye makomo ose nezvitsuwa zvakabviswa panzvimbo dzazvo.

15 Ipapo madzimambo enyika, machinda, vatungamiri, vapfumi, vane simba, navaranda vose uye navanhu vakasununguka vakavanda mumapako napakati pamabwe amakomo.

16 Vakadanidzira kumakomo nokumabwe vachiti, “Wirai pamusoro pedu uye mutivige kubva kuchiso chaiye anogara pachigaro choushe nepahasha dzeGwayana!

17 Nokuti zuva guru rehasha dzavo rasvika, uye ndianiko anogona kumira?”

Zvakazarurwa 7

Vanhu zviuru zana namakumi mana nezvina vanoiswa chisimbiso

1 Shure kwaizvozvi, ndakaona vatumwa vana vamire pamakona mana enyika, vakabata mhepo ina dzenyika kuti vadzivise mhepo ipi zvayo kuvhuvhuta panyika kana pamusoro pegungwa kana pamuti upi zvawo.

2 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibva kumabvazuva, ane chisimbiso chaMwari mupenyu. Akadanidzira nenzwi guru kuvatumwa vana vakanga vapiwa simba rokuti vatadzire nyika negungwa akati:

3 “Musatadzira nyika kana gungwa kana miti kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzavaranda vaMwari.”

4 Ipapo ndakanzwa kuwanda kwaavo vakanga vaiswa chisimbiso: Zviuru zana namakumi mana nezvina, kubva kumarudzi ose avaIsraeri.

5 Kubva kurudzi rwaJudha, zviuru gumi nezviviri vakaiswa chisimbiso,

kubva kurudzi rwaRubheni, zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaGadhi, zviuru gumi nezviviri,

6 kubva kurudzi rwaAsheri, zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaNafutari, zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaManase, zviuru gumi nezviviri,

7 kubva kurudzi rwaSimeoni, zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaRevhi, zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaIsakari, zviuru gumi nezviviri,

8 kubva kurudzi rwaZebhuruni, zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaJosefa zviuru gumi nezviviri,

kubva kurudzi rwaBhenjamini zviuru gumi nezviviri.

Vazhinji zhinji vakanga vakapfeka nguo chena

9 Shure kwaizvozvi ndakatarira uye ndikaona ipapo pamberi pangu vazhinji zhinji vakanga vasingagoni kuverengwa, vaibva kundudzi dzose, nokumarudzi ose, navanhu vemitauro yose, vamire pamberi pechigaro choushe napamberi peGwayana. Vakanga vakapfeka nguo chena uye vakabata matavi emichindwe mumaoko avo.

10 Uye vakadanidzira nenzwi guru vachiti:

“Ruponeso ndorwaMwari wedu,

iye anogara pachigaro choushe,

uye ndorweGwayana.”

11 Vatumwa vose vakanga vamire vakakomberedza chigaro choushe uye vakakomberedza vakuru nezvisikwa zvipenyu zvina. Vakawira pasi nezviso zvavo pamberi pechigaro choushe vakanamata Mwari,

12 vachiti:

“Ameni!

Kurumbidzwa nokubwinya

nouchenjeri nokuvonga nokukudzwa

noushe nesimba ngazvive

kuna Mwari wedu nokusingaperiperi.

Ameni!”

13 Ipapo mumwe wavakuru akandibvunza akati, “Ava vakapfeka nguo chena, ndivanaaniko, uye vakabvepi?”

14 Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.”

Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo uye vakadzichenesa muropa reGwayana.

15 Naizvozvo,

“vari pamberi pechigaro chaMwari

uye vanomushumira masikati nousiku mutemberi yake;

uye iye anogara pachigaro choushe achatambanudza tende rake pamusoro pavo.

16 Havachazoziyi nenzara zvakare;

havachazopiswi nezuva,

kana nokupisa kupi zvako.

17 Nokuti Gwayana riri pakati pechigaro choushe richava mufudzi wavo;

richavatungamirira kumatsime emvura mhenyu.

Uye Mwari achapukuta misodzi yose pameso avo.”

Zvakazarurwa 8

Chisimbiso cheChinomwe noMudziyo weZvinonhuwira weGoridhe

1 Akati azarura chisimbiso chechinomwe, kwakava nokunyarara kudenga kwenguva inenge hafu.

2 Uye ndakaona vatumwa vanomwe vanomira pamberi paMwari, uye vakapiwa hwamanda nomwe.

3 Mumwe mutumwa, akanga ano mudziyo wezvinonhuwira wegoridhe, akauya akamira paaritari. Akapiwa zvinonhuwira zvizhinji zvokuzopa, pamwe chete neminyengetero yavatsvene vose, paaritari yegoridhe pamberi pechigaro choushe.

4 Utsi hwezvinonhuwira, pamwe chete neminyengetero yavatsvene, zvakakwira pamberi paMwari kubva muruoko rwomutumwa.

5 Ipapo mutumwa akatora mudziyo wezvinonhuwira, akauzadza nomoto waibva paaritari, akaukanda panyika; uye ipapo kwakauya maungira omutinhiro, muroromero, kupenya kwemheni nokudengenyeka kwenyika.

Hwamanda

6 Ipapo vatumwa vanomwe vakanga vane hwamanda nomwe vakagadzirira kudziridza.

7 Mutumwa wokutanga akaridza hwamanda yake, ipapo kukauya chimvuramabwe nomoto zvakavhenganiswa neropa, uye zvikakandwa pamusoro penyika. Chetatu chenyika chakapiswa, chetatu chemiti chikapiswa, uye uswa hwose hunyoro hukapiswa.

8 Mutumwa wechipiri akaridza hwamanda yake uye chimwe chinhu chakanga chakaita segomo guru, raipfuta rose, chikakandwa mugungwa. Chetatu chegungwa chakashanduka chikava ropa,

9 chetatu chezvisikwa zvipenyu zviri mugungwa chikafa, uye chetatu chezvikepe chikaparadzwa.

10 Mutumwa wechitatu akaridza hwamanda yake, uye nyeredzi huru, yakanga ichipfuta somwenje, yakawa kubva kudenga pamusoro pechetatu chenzizi nezvitubu zvemvura,

11 zita renyeredzi rainzi Chinovava. Chetatu chemvura zhinji chakavava, uye vanhu vazhinji vakafa nokuda kwemvura yakanga yovava.

12 Mutumwa wechina akaridza hwamanda yake, uye chetatu chezuva chikarohwa, chetatu chomwedzi, nechetatu chenyeredzi, zvokuti chetatu chazvo chakashanduka chikasviba. Chetatu chezuva iro chakanga chisina chiedza, uyewo nechetatu chousiku uhwo.

13 Pandakatarira, ndakanzwa gondo rakanga richibhururuka pakati pomuchadenga richirira nenzwi guru richiti, “Nhamo! Nhamo! Nhamo kuna vanogara panyika, nokuda kwehwamanda dzava kuda kuzoridzwa navamwe vatumwa vatatu!”

Zvakazarurwa 9

1 Mutumwa weshanu akaridza hwamanda yake, uye ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo.

2 Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo.

3 Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika.

4 Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.

5 Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu.

6 Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.

7 Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu.

8 Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba.

9 Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa.

10 Dzakanga dzine miseve norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu.

11 Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni.

12 Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.

13 Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, uye ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari.

14 Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.”

15 Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zvenguva yacho iyoyo, uye zuva iroro, nomwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chetatu chamarudzi avanhu.

16 Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.

17 Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri.

18 Chetatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo.

19 Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo uye nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.

20 Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba.

21 Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

Zvakazarurwa 10

Mutumwa neBhuku Duku Rakapetwa

1 Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto.

2 Akanga akabata bhuku duku rakapetwa, rakanga rakazaruka muruoko rwake. Akaisa rutsoka rwake rworudyi pagungwa uye rworuboshwe rwakatsika panyika,

3 uye akadanidzira nenzwi guru sokuomba kweshumba. Akati adanidzira, inzwi rokutinhira kunomwe rakataura.

4 Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.”

5 Ipapo mutumwa wandakanga ndaona amire pagungwa napanyika akasimudzira ruoko rwake rworudyi kudenga.

6 Uye akapika naiye anogara nokusingaperi-peri, iye akasika matenga nezvose zviri maari, nyika nezvose zviri mairi, uye negungwa nezvose zviri mariri, uye akati, “Hapachazombovizve nokunonoka!

7 Asi pamazuva ayo mutumwa wechinomwe paanenge oda kuridza hwamanda yake, chakavanzika chaMwari chichapedziswa, sezvaakazivisa varanda vake ivo vaprofita.”

8 Ipapo inzwi randakanga ndanzwa richibva kudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda, utore bhuku rakapetwa rakazarurwa muruoko rwomutumwa amire pagungwa napanyika.”

9 Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.”

10 Ndakatora bhuku duku rakapetwa kubva muruoko rwomutumwa uye ndikaridya. Raitapira sokutapira kunoita uchi mumukanwa mangu, asi ndakati ndaridya, mudumbu mangu mukavava.

11 Ipapo ndakaudzwa kuti, “Unofanira kuprofitazve pamusoro pavanhu vazhinji, nendudzi, nendimi uye namadzimambo.”