Jeremia 1

1 Mashoko aJeremia mwanakomana waHirikia, mumwe wavaprista paAnatoti munyika yaBhenjamini. 2 Shoko raJehovha rakauya kwaari mugore regumi namatatu rokutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha, 3 uye nomunguva yokutonga kwaJehoyakimi mwanakomana waJosia mambo weJudha, kusvikira pamwedzi wechishanu wegore regumi nerimwe raZedhekia mwanakomana waJosia mambo weJudha, vanhu veJerusarema pavakazoenda kuutapwa. Kud anwa kwaJeremia 4 Shoko raJehovha rakauya […]

Jeremia 2

Israeri inosiya Mwari 1 Shoko raJehovha rakauya kwandiri richiti, 2 “Enda unoparidza munzeve dzeJerusarema uchiti: ‘Ndinorangarira kunamata kwouduku hwako, kuti somwenga waindida sei nokunditevera nomukati merenje, nomunyika isina kumbodyarwa. 3 Israeri akanga ari mutsvene kuna Jehovha, ari chibereko chokutanga chokukohwa kwake; vose vakanga vachimudya vaipiwa mhosva, uye njodzi yakavawira,’ ” ndizvo zvinotaura Jehovha. 4 Inzwai […]

Jeremia 3

1 “Kana murume akaramba mukadzi wake, iye akamusiya hake akandowanikwa nomumwe murume, murume uyu angadzokerazve kwaari here? Ko, nyika haingasvibiswi here? Asi iwe wakararama sechifeve navadiwa vazhinji, zvino ungadzokera kwandiri here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. 2 “Tarira kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti uone. Iripo here nzvimbo yausina kumboitira ufeve? Mujinga menzira wakagaramo wakamirira zvikomba, wakagara kunge vanhu […]

Jeremia 4

1 “Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve, 2 kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.” 3 Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema: “Zviundirei gombo idzva murege kudyara pakati peminzwa. 4 […]

Jeremia 5

Hakuna akarurama 1 “Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri. 2 Kunyange vachiti havo, ‘NaJehovha mupenyu,’ vanenge vachingopika nhema.” 3 Haiwa Jehovha, meso enyu haatsvaki chokwadi here? Makavarova, asi havana kunzwa kurwadziwa; Makavapwanya, asi vakaramba kurayirwa. […]

Jeremia 6

Kukombwa kweJerusarema 1 “Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti-Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa. 2 Ndichaparadza mwanasikana weZioni, akanakisa uye anoyevedza. 3 Vafudzi namapoka amakwai avo vachauya kwaari; vachadzika matende avo vakamukomba, mumwe nomumwe achifudza chikamu chake.” 4 Gadzirirai kurwa naye! […]

Jeremia 7

Zvitendero zvenhema hazvina maturo 1 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha: 2 “Mira pasuo reimba yaJehovha, uparidzepo shoko iri rokuti: “ ‘Inzwai shoko raJehovha imi mose vanhu veJudha vanopinda napamasuo aya kuzonamata Jehovha. 3 Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri: Shandurai nzira dzenyu namaitiro enyu, ndigokugarisai munzvimbo ino. 4 Musavimba namashoko anonyengedza […]

Jeremia 8

1 “ ‘Panguva iyoyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, mapfupa amadzimambo namachinda eJudha, namapfupa avaprista navaprofita, uye mapfupa avanhu veJerusarema, achabviswa kubva mumakuva avo. 2 Achava pamhene agorohwa pazuva uye achavhenekwa nomwedzi nenyeredzi dzose dzedenga, zvavakada vakazvishumira vakazvitevera uye vakabvunza kwazviri, uye vakazvinamata. Haangaunganidzwi kana kuvigwa, asi achafanana nomupfudze uri panyika. 3 Kwose zvako kwandichavadzingira, vakasara vose […]

Jeremia 9

1 Haiwa, dai musoro wangu waiva chitubu chemvura uye meso angu riri tsime remisodzi! Ndingadai ndaichema masikati nousiku nokuda kwavakaurayiwa vavanhu vangu. 2 Haiwa, dai ndaiva nenzvimbo mugwenga yokugara yavafambi, kuitira kuti ndisiye vanhu vangu ndiende kure navo; nokuti vose imhombwe, ungano yavanhu vasina kutendeka. 3 “Vanokunga rurimi rwavo souta, kuti vapfure nhema; havaiti nechokwadi […]

Jeremia 10

Mwari neZvifananidzo 1 Inzwai zvinoreva Jehovha kwamuri, imi imba yaIsraeri. 2 Zvanzi naJehovha, “Regai kudzidza tsika dzendudzi kana kuvhundutswa nezviratidzo zviri kudenga kunyange hazvo ndudzi dzichivhundutswa nazvo. 3 Nokuti tsika dzavanhu hadzina maturo; vanotema muti musango, muvezi ouveza nembezo. 4 Vanoushongedza nesirivha negoridhe; vanourovera nenyundo nezvipikiri kuti urege kuzungunuka. 5 Sedukununu kumucheto womunda wamavise, zvifananidzo […]