Amosi 1

1 Mashoko aAmosi mumwe wavafudzi veTekoa, zvaakaona pamusoro peIsraeri makore maviri kudengenyeka kwenyika kusati kwaitika, Uzia paakanga ari mambo weJudha uye Jerobhoamu mwanakomana waJoashi ari mambo weIsraeri. 2 Akati, “Jehovha anoomba ari paZioni uye anotinhira ari paJerusarema; mafuro avafudzi anooma, pamusoro peKarimeri panosvava.” Vavakidzani veIsraeri vanotongwa 3 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zveDhamasiko, kunyange zvina, […]

Amosi 2

1 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka yezvivi zvitatu zvaMoabhu, kunyange zvina, handingadzori hasha dzangu. Nokuti akapisa, kuita madota, mapfupa amambo weEdhomu. 2 Ndichatuma moto pamusoro paMoabhu uchaparadza nhare dzeKerioti. Moabhu achawira pasi mubope guru pakati pemheremhere yehondo, nokurira kwehwamanda. 3 Ndichaparadza mutongi wake uye ndichauraya makurukota ake pamwe chete naye,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 4 Zvanzi naJehovha, “Nemhaka […]

Amosi 3

Zvapupu zvinodaidzwa kuti zvizopomera Israeri mhosva 1 Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vanhu veIsraeri, pamusoro pemhuri yose yandakabudisa kubva muIjipiti: 2 “Ndimi moga vandakasarudza pamhuri dzose dzapanyika; naizvozvo ndichakurangai nokuda kwezvivi zvenyu zvose.” 3 Ko, vaviri vangafamba pamwe chete vasina kunge vatenderana here? 4 Ko, shumba ingaomba mudondo isina chayaruma here? Ko, […]

Amosi 4

Israeri haina kudzokera kuna Mwari 1 Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani paGomo reSamaria, imi vakadzi vanodzvinyirira varombo uye vanopwanya vanoshayiwa muchiti kuvarume venyu, “Tiunzirei zvokunwa.” 2 Ishe Jehovha apika noutsvene hwake achiti, “Zvirokwazvo nguva ichasvika yamuchatorwa nezvikokovono, vokupedzisira pakati penyu nezviredzo. 3 Muchabuda pakarepo mumwe nomumwe, napakakoromoka masvingo, uye mucharasirwa kunze makananga kuHamoni,” ndizvo […]

Amosi 5

Kuungudza nokudanidzira kuti vanhu vatendeuke 1 Inzwai shoko iri, imi imba yaIsraeri, kuchema uku kwandinoita pamusoro penyu: 2 “Yawira pasi Mhandara Israeri, haingazosimukizve, akasiyiwa ari oga munyika yake, pasina angamusimudza.” 3 Zvanzi naIshe Jehovha, “Guta richaendesa varwi chiuru vakasimba pakati peIsraeri richasarirwa nezana chete; guta richaendesa varwi zana vakasimba richasarirwa negumi chete.” 4 Zvanzi naJehovha […]

Amosi 6

Vane nhamo vakavarairwa 1 Mune nhamo imi makavarairwa muZioni, nemi munofunga kuti mugere pakasimba paGomo reSamaria, imi varume vanozivikanwa vorudzi rukuru, kunoenda vanhu veIsraeri! 2 Endai kuKarine mundoritarisa; muchibvapo moenda kuHamati guta guru, uye mozodzika kuGati muFiristia. Vari nani kupfuura umambo hwenyu huviri here? 3 Munoti zuva rakaipa ngarirege kusvika muchiswededza pedyo utongi hwokuvhundutsira. 4 […]

Amosi 7

Mhashu, Moto neRwodzi Rwokuyeresa 1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: Akanga achigadzirira chimokoto chemhashu mushure mokukohwewa kwomugove wamambo uye mumera wechipiri uchangobuda. 2 Dzakati dzapedza zvose zvaiva munyika, ndakadanidzira ndichiti, “Ishe Jehovha chikanganwirai henyu! Ko, Jakobho angararame sei? Muduku kwazvo!” 3 Nokudaro Jehovha akadzora mwoyo. Jehovha akati, “Izvi hazvichazoitika.” 4 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: […]

Amosi 8

Tswanda yemichero yakaibva 1 Izvi ndizvo zvandakaratidzwa naIshe Jehovha: tswanda ine michero yakaibva. 2 Akabvunza akati, “Unooneiko, Amosi?” Ndakapindura ndichiti, “Tswanda ine michero yakaibva.” Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Nguva yakwana kuvanhu vangu Israeri; handingavararamisizve. 3 “Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, “nziyo dzomutemberi dzichashanduka dzigova kuchema. Mitumbi yevakafa ichava mizhinji. Munzvimbo dzose icharaswa vanhu vanyerere.” […]

Amosi 9

Israeri ichaparadzwa 1 Ndakaona Jehovha amire parutivi rwearitari, uye akati, “Rova misoro yembiru kuti zvikumbaridzo zvizunguzike. Zviputsire pasi pamisoro yevanhu vose; avo vachasara ndichavauraya nomunondo. Hapana kana mumwe chete achatiza, hapana achapunyuka. 2 Kunyange vakachera kusvikira panoperera guva, kubva imomo ruoko rwangu ruchavatora. Kunyange vakakwira kumatenga, kubva ikoko ndichavadzikisa pasi. 3 Kunyange vakazvivanza pamusoro peKarimeri, […]