1 VaTesaronika 1

1 Pauro, Sirasi naTimoti, Kukereke yavaTesaronika muna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu: Nyasha norugare ngazvive nemi. Anovonga vaTesaronika paKutenda kwavo 2 Tinogara tichivonga Mwari nokuda kwenyu mose, tichikutaurai muminyengetero yedu. 3 Tinoramba tichirangarira pamberi paMwari wedu naBaba vedu, basa renyu rinobva pakutenda, nokushanda kwenyu kunobva parudo, uye nokutsungirira kwenyu kunobva patariro iri muna Ishe Jesu […]

1 VaTesaronika 2

Ushumiri hwaPauro muTesaronika 1 Munoziva, hama, kuti kushanya kwedu kwamuri hakuna kuva pasina. 2 Takanga tambotambudzika uye tikatukwa muFiripi, sezvamunoziva, asi norubatsiro rwaMwari wedu hatina kurega kukuparidzirai vhangeri rake pakati pokupikiswa kukuru. 3 Nokuti chikumbiro chatinoita hachibvi pakukanganisa kana pamufungo usina kunaka, uye hatisi kuedza kukunyengerai. 4 Asi, tinotaura savanhu vakatenderwa naMwari kuti tipiwe vhangeri. […]

1 VaTesaronika 3

1 Saka patakanga tisingagoni kuramba takamira, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene. 2 Takatuma Timoti, anova ndiye hama yedu nomushandi waMwari pamwe chete nesu pakuparadzira vhangeri raKristu, kuti akusimbisei nokukukurudzirai mukutenda kwenyu, 3 kuti parege kuva nomunhu anozungunutswa nemiedzo iyi. Munozviziva chose kuti takanga takagadzirirwa izvozvo. 4 Kunyanya pataiva nemi, takaramba tichikuudzai kuti […]

1 VaTesaronika 4

Kuraramira Kufadza Mwari 1 Pakupedzisira, hama, takakurayirai kuti munofanira kurarama sei kuitira kuti mugofadza Mwari, sezvamuri kurarama. Zvino tinokukumbirai uye tinokukurudzirai muna She Jesu kuti murambe muchiita izvi uye muchiwedzera. 2 Nokuti munoziva zvatakakurayirai nesimba raIshe Jesu. 3 Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: 4 kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake […]

1 VaTesaronika 5

1 Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, 2 nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. 3 Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki. 4 Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. 5 Imi mose muri vanakomana […]