Ezekieri 1

Zvisikwa Zvipenyu noKubwinya kwaJehovha 1 Mugore ramakumi matatu, nomwedzi wechina pazuva rechishanu, ndiri pakati pavakatapwa, paRwizi rweKebhari, matenga akazarurwa, ndikaona zviratidzo zvaMwari. 2 Pazuva rechishanu romwedzi, riri gore rechishanu rokutapwa kwaMambo Jehoyakini, 3 shoko raJehovha rakasvika kuna Ezekieri muprista, mwanakomana waBhuzi paRwizi rweKebhari munyika yavaBhabhironi. Ipapo, ruoko rwaJehovha rwakanga rwuri pamusoro pake. 4 Ndakatarira, ndikaona […]

Ezekieri 2

Kudanwa kwaEzekieri 1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, simuka netsoka dzako ini nditaure newe.” 2 Akati achitaura, Mweya wakapinda mandiri ukandisimudza netsoka dzangu, ndikamunzwa achitaura neni. 3 Akati, “Mwanakomana womunhu, ndiri kukutuma kuvaIsraeri, kurudzi runomukira irwo rwakandimukira; ivo namadzibaba avo vanga vachingondipandukira kusvikira zuva ranhasi. 4 Vanhu vandinokutuma kwavari, vakavangarara uye vakasindimara. Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe […]

Ezekieri 3

1 Akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu, zvino ugoenda undotaura neimba yaIsraeri.” 2 Saka ndakashama muromo wangu, iye akandipa rugwaro kuti ndidye. 3 Ipapo akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, idya zviri pamberi pako, idya rugwaro urwu rwandinokupa uzadze dumbu rako narwo.” Saka ndakarudya, uye rwaitapira souchi mumukanwa mangu. 4 Ipapo akati […]

Ezekieri 4

Kukombwa kweJerusarema kunofananidzwa 1 “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora chidhina chevhu, uchiise pamberi pako ugodhirowa Jerusarema pamusoro pacho. 2 Ipapo ugorikomba: Umise nhare dzokurwa naro, uvake dhunduru revhu rokusvitsa pariri, udzike misasa ugorikomberedza nezvokuparadza nazvo masvingo. 3 Ipapo utore pani yesimbi, ugoimisa sorusvingo rwesimbi pakati pako iwe neguta ugorinzira chiso chako kwariri. Richakombwa, uye iwe ucharikomba. […]

Ezekieri 5

1 “Zvino, Mwanakomana womunhu, tora munondo unopinza ugoushandisa sechisvo chomugeri kuti uveure musoro wako nendebvu dzako. Ipapo utore zviyero zviviri ugokamura bvudzi. 2 Panopera mazuva okukomba kwako, upise nomoto chetatu chebvudzi uri mukati meguta. Ugotora chimwe chetatu uchiteme nomunondo uchipoteredza guta. Ugoparadzira chimwe chetatu kumhepo. Nokuti ini ndichavadzingirira nomunondo wakavhomorwa. 3 Asi utore rimwe bvudzi […]

Ezekieri 6

Chiprofita pamusoro paMakomo eIsraeri 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, rinzira meso ako kumakomo eIsraeri; uprofite pamusoro pawo 3 uchiti, ‘Imi makomo eIsraeri, inzwai shoko raIshe Jehovha. Zvanzi naIshe Jehovha kumakomo nezvikomo, kuhova nokumipata: Ndava pedyo nokuuyisa munondo kuti uzokurwisai, uye ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira. 4 Aritari dzenyu dzichaondomorwa uye aritari dzenyu […]

Ezekieri 7

Kuguma Kwasvika 1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 2 “Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yeIsraeri: Kuguma! Kuguma kwasvika kumativi mana enyika. 3 Kuguma kwava pamusoro pako zvino uye ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako. Ndichakutonga zvakafanira tsika dzako ndigotsiva zvinyangadzo zvako zvose. 4 Handizokunzwiri ngoni kana kukuponesa; zvirokwazvo ndichakutsiva zvakafanira tsika dzako nezvinyangadzo zviri pakati […]

Ezekieri 8

Zvifananidzo muTemberi 1 Mugore rechitanhatu, mumwedzi wechitanhatu pazuva reshanu, pandakanga ndirere mumba mangu uye vakuru veJudha vagere pamberi pangu, ruoko rwaIshe Jehovha rwakauya pamusoro pangu ipapo. 2 Ndakatarisa, ndikaona chimiro chakaita sechomunhu. Kubva ipapo zvichikwira kumusoro, kuratidzika kwake kwainge kuchibwinya sedare rinopisa. 3 Akatambanudza chakanga chakaita soruoko akandibata nebvudzi romusoro wangu. Mweya akandisimudza pakati penyika […]

Ezekieri 9

Vanonamata Zvifananidzo vanourayiwa 1 Ipapo ndakamunzwa achidanidzira nenzwi guru achiti, “Uya navarindi veguta pano, mumwe nomumwe ano munondo muruoko rwake.” 2 Ipapo ndakaona varume vatanhatu vachiuya vachibva nokurutivi rwesuo rokumusoro, rakatarisa kumusoro, mumwe nomumwe ano munondo unopinza kwazvo muruoko rwake. Pakati pavo pakanga pano murume akanga akapfeka mucheka werineni ane zvinyoreso parutivi rwake. Ivo vakapinda […]

Ezekieri 10

Kubwinya kunobva muTemberi 1 Ndakatarisa, ndikaona chinhu chakafanana nechigaro choushe chesafire pamusoro pedenga raiva pamusoro pemisoro yamakerubhimi. 2 Jehovha akati kumurume uya akanga akapfeka mucheka werineni, “Enda pakati pamavhiri ari munyasi mamakerubhi. Uzadze maoko ako namazimbe anopisa anobva pamakerubhi ugoaparadzira pamusoro peguta.” Iye akapinda ini ndakatarira. 3 Zvino makerubhi akanga akamira parutivi rwezasi kwetemberi murume […]