2 Petro 1

1 Simoni Petro, muranda nomupostori waJesu Kristu, Kuna vaya vakagamuchira kutenda kunokosha sokwedu, kubudikidza nokururama kwaMwari wedu noMuponesi wedu Jesu Kristu: 2 Nyasha norugare ngazvive nemi, zviwande kubudikidza nokuziva kwaMwari nokwaJesu Ishe wedu. Kudanwa kwoMunhu noKusanangurwa Kwake ngakuve kweChokwadi 3 Simba rake dzvene rakatipa zvinhu zvose zvatinoda zvoupenyu uye noumwari kubudikidza nokumuziva kwedu iye akatidana […]

2 Petro 2

Vadzidzisi veNhema noKuparadzwa Kwavo 1 Asi kwakanga kuna vaprofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapowo vadzidzisi venhema pakati penyu. Vachazivisa pakavanda dzidziso dzinoparadza, vachiramba kunyange naiye Ishe tenzi akavatenga, vachiuyisa pamusoro pavo kuparadzwa kunokurumidza. 2 Vazhinji vachatevera nzira dzavo dzinonyadzisa uye nzira yezvokwadi ichazvidzwa. 3 Mukukara kwavo, vadzidzisi ava vachakunyengerai namashoko amanomano. Kutongwa kwavo kwakanguva kwavamirira, uye […]

2 Petro 3

Zuva raIshe 1 Vadikani, zvino iyi ndiyo tsamba yangu yechipiri. Ndakanyora dzose dziri mbiri sechiyeuchidzo, kuti ndimutse ndangariro dzenyu pakufunga kutsvene. 2 Ndinoda kuti murangarire mashoko akataurwa kare navaprofita vatsvene uye nomurayiro wakapiwa naIshe noMuponesi wedu kubudikidza navapostori venyu. 3 Chokutanga, munofanira kunzwisisa kuti mumazuva okupedzisira vaseki vachauya vachiseka, vachitevera kuchiva kwenyama yavo. 4 Vachati, […]