Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1

1 Rwiyo Rukuru rwaSoromoni: 2 Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini. 3 Kunhuwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai! 4 Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Tinokupembererai nokukufarirai, ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Regai zvenyu mhandara dzikudei! 5 Kusviba ndakasviba […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2

1 Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata. 2 Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara. 3 Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya. 4 Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo. 5 Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 3

1 Usiku hwose ndiri pamubhedha wangu ndakatsvaka uyo anodiwa nomwoyo wangu; ndakamutsvaka asi handina kumuwana. 2 Ndichasimuka zvino ndinofamba-famba muguta, mumigwagwa yaro nomuzvivara zvaro; ndichatsvaka iye anodiwa nomwoyo wangu. Saka ndakamutsvaka asi handina kumuwana. 3 Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. “Ko, mamboona here iye anodiwa nomwoyo wangu?” 4 Ndichingopfuudzana navo ndakabva ndamuwana, […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4

1 Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi. 2 Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro. 3 Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Matama ako uri […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5

1 Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, imi shamwari, uye munwe; Inwai mugute, imi vadiwa. 2 Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza. Anoti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6

1 Ko, mudiwa wako aendepiko, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako aenda nokupiko, kuti tigomutsvaka pamwe chete newe? 2 Mudiwa wangu adzika kubindu rake, kumihomba yezvinonhuwirira, kuti andomema mumapindu nokutanha maruva. 3 Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu; anomema pakati pamaruva. 4 Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unoremekedzeka samauto […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7

1 Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu, iwe mwanasikana womuchinda! Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo, basa ramaoko emhizha. 2 Guvhu rako rakatenderera somukombe unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka. Chiuno chako murwi wegorosi wakakomberedzwa namaruva. 3 Mazamu ako akaita setsvana mbiri, mapatya emhara. 4 Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou. Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni pasuo […]

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8

1 Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, akanwa pamazamu amai vangu! Ipapo kana ndaikuwana panze, ndaikutsvoda uye hapana aizondishora. 2 Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu. 3 Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. 4 Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: […]