2 Makoronike 1

Soromoni anokumbira Uchenjeri 1 Soromoni mwanakomana waDhavhidhi akasimbisa kwazvo ushe hwake, nokuti Jehovha Mwari wake akanga anaye akamuita kuti ave mukuru kwazvo. 2 Ipapo Soromoni akataura kuIsraeri yose, kuvatungamiri vezviuru nokuvatungamiri vamazana, kuvatongi nokuvatungamiri vose muIsraeri, vakuru vemhuri, 3 uye Soromoni neungano yose vakaenda kunzvimbo yakakwirira yeGibheoni, nokuti Tende Rokusangana raMwari rakanga ririko, iro rakanga […]

2 Makoronike 2

Kugadzirira kuti Temberi ivakwe 1 Soromoni akada kuvaka temberi yeZita raJehovha uye nomuzinda wakewo. 2 Akatuma varume zviuru makumi manomwe kuti vave vatakuri vamabwe, navarume zviuru makumi masere kuti vave vavezi vamatombo mumakomo uye varume zviuru zvitatu namazana matanhatu kuti vave vatariri vavo. 3 Soromoni akatumira shoko iri kuna Hiramu mambo weTire: “Nditumireiwo matanda emisidhari […]

2 Makoronike 3

Soromoni anovaka Temberi 1 Ipapo Soromoni akatanga kuvaka temberi yaJehovha muJerusarema pagomo reMoria, apo Jehovha akanga azviratidza kuna baba vake Dhavhidhi. Pakanga pari paburiro raArauna muJebhusi, nzvimbo yakapiwa naDhavhidhi. 2 Akatanga kuvaka pazuva rechipiri mumwedzi wechipiri mugore rechina rokutonga kwake. 3 Nheyo dzakaiswa dzakanga dziri makubhiti makumi matanhatua pakureba uye makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo […]

2 Makoronike 4

Nhumbi dzomuTemberi 1 Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviria, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumib kuenda mudenga. 2 Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakira kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanuc kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatud […]

2 Makoronike 5

1 Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari. Areka inouyiswa kuTemberi 2 Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi. 3 Uye varume vose veIsraeri […]

2 Makoronike 6

1 Ipapo Soromoni akati, “Jehovha akati achagara mugore dema. 2 Ndakuvakirai temberi yakanaka kwazvo, nzvimbo yokuti mugare nokusingaperi.” 3 Ungano yose yaIsraeri ichakamirapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza. 4 Ipapo akati, “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri iye azadzisa namaoko ake zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati, 5 ‘Kubva pazuva randakaburitsa vanhu vangu muIjipiti, handina […]

2 Makoronike 7

Kukumikidzwa kweTemberi 1 Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi. 2 Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza. 3 VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti: “Iye akanaka; […]

2 Makoronike 8

Zvimwe zvakaitwa naSoromoni 1 Kwapera makore makumi maviri, munguva iyo Soromoni akavaka temberi yaJehovha nomuzinda wake, 2 Soromoni akavaka patsva misha yaakanga apiwa naHiramu, akagarisa vaIsraeri mairi. 3 Ipapo Soromoni akaenda kuHamati Zobha, akandorikunda. 4 Akavaka Tadhimori murenje namaguta ose okuchengetera zvinhu aakavaka muHamati. 5 Akavaka patsva Bheti Horoni Yokumusoro neBheti Horoni Yezasi samaguta akakomboredzwa […]

2 Makoronike 9

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni 1 Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni, akauya kuJerusarema kuti amuedze nemibvunzo yakaoma kwazvo. Akasvika navanhu vazhinji kwazvo nengamera akatakura zvinonhuwira, goridhe rakawanda, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye zvose zvaiva mupfungwa dzake. 2 Soromoni akamupindura mibvunzo yake yose, hapana chakanga chakanyanya kumuomera kuti amutsanangurire. 3 Mambokadzi weShebha paakaona uchenjeri hwaSoromoni, […]

2 Makoronike 10

Israeri inopandukira Rehobhoamu 1 Rehobhoamu akaenda kuShekemu, nokuti vaIsraeri vose vakanga vaenda ikoko kundomuita mambo. 2 Jerobhoamu mwanakomana waNebhati paakanzwa izvi (aiva kuIjipiti, kwaakanga aenda achitiza Mambo Soromoni), akadzoka kubva kuIjipiti. 3 Saka vakandodana Rehobhoamu, uye iye neIsraeri yose vakaenda kuna Rehobhoamu vakati kwaari, 4 “Baba vako vakatitakudza joko rinorema kwazvo, asi zvino chitapudzai kushanda […]