Dhanieri 1

Kudzidziswa kwaDhanieri muBhabhironi 1 Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba. 2 Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake. 3 Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze […]

Dhanieri 2

Kurota kwaNebhukadhinezari 1 Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope. 2 Saka mambo akarayira n’anga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo, 3 iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.” 4 Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, […]

Dhanieri 3

Chifananidzo cheGoridhe neVira roMoto 1 Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatua uye makubhiti matanhatub paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi. 2 Ipapo akadana machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachenjeri vepfuma, navatongi, namakurukota edzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzomukumikidza chifananidzo chaakanga amisa. 3 Saka machinda, navarayiri, namadzishe, navapi vamazano, navachengeti […]

Dhanieri 4

Nebhukadhinezari anorota Muti 1 Mambo Nebhukadhinezari, kuvanhu, nokundudzi navanhu vemitauro yose, vagere munyika yose: Budirirai zvikuru! 2 Ndafara kwazvo kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvinoshamisa zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro. 3 Zviratidzo zvake zvikuru sei, zvishamiso zvake zvine simba sei! Umambo hwake umambo husingaperi; kubata kwake ushe hunosvika kuzvizvarwa nezvizvarwa. 4 Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndiri mumba mumuzinda wangu, ndakanyatsogutsikana […]

Dhanieri 5

Ruoko Runonyora paMadziro 1 Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo. 2 Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa naBaba vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye varongo vake vanwiremo. 3 Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa […]

Dhanieri 6

Dhanieri muGomba reShumba 1 Zvakafadza Dhariasi kugadza machinda zana namakumi maviri kuti vatonge muushe hwose, 2 navakuru vatatu vaiva pamusoro pavo, mumwe wavo akanga ari Dhanieri. Machinda aiva pasi pavo kuitira kuti mambo arege kurasikirwa. 3 Zvino Dhanieri akagona akakunda vakuru namachinda mumaitiro ake aishamisa zvokuti mambo akaronga kumugadza kuti ave pamusoro poumambo hwose. 4 […]

Dhanieri 7

Dhanieri anorota Mhuka Ina 1 Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora muchidimbu, zvose zvaakarota. 2 Dhanieri akati, “Pachiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru. 3 Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda mugungwa. 4 […]

Dhanieri 8

Chiratidzo chaDhanieri cheGondohwe neMbudzi 1 Mugore rechitatu rokutonga kwaMambo Bherishazari, ini, Dhanieri, ndakaona nechiratidzo, shure kwechimwe chandakanga ndamboona kare. 2 Muchiratidzo changu, ndakazviona ndiri munhare yeShushani munyika yeEramu, muchiratidzo imomo, ndakanga ndiri parutivi rwoMugero weUrai. 3 Ndakatarisa kumusoro, ndokuona hapo pamberi pangu pakanga pane gondohwe raiva nenyanga mbiri, rakamira parutivi rwomugero, uye nyanga dzacho dzakanga […]

Dhanieri 9

Munyengetero waDhanieri 1 Mugore rokutanga raDhariasi mwanakomana waAhasuerasi (chizvarwa cheMedhia), uyo akaitwa mutongi pamusoro poumambo hwavaBhabhironi, 2 mugore rokutanga rokutonga kwake, ini Dhanieri, ndakanzwisisa kubva muMagwaro, sezvakataura shoko raJehovha rakapiwa kuna Jeremia muprofita, kuti Jerusarema richagara riri dongo kwamakore makumi manomwe. 3 Saka ndakatendeukira kuna Ishe Mwari ndikamukumbira mukunyengetera nokuteterera, ndichitsanya, uye ndikafuka nguo dzamasaga […]

Dhanieri 10

Chiratidzo choMunhu chaDhanieri 1 Mugore rechitatu ramambo Sirasi wePezhia, Dhanieri (iye ainzi Bheriteshazari) akazarurirwa. Shoko racho rakanga riri rechokwadi uye raireva kurwa kukuru. Akanzwisisa shoko iri nechiratidzo. 2 Panguva iyo, ini, Dhanieri ndakachema kwevhiki nhatu. 3 Handina kudya zvokudya zvakanaka; kunyange nyama kana waini hazvina kusvika pamuromo wangu; uye handina kana kuzora mafuta kusvikira vhiki […]