Zefania 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Zefania, mwanakomana waKushi, mwanakomana waGedhara, mwanakomana waAmaria, mwanakomana waHezekia, pamazuva okutonga kwaJosia mwanakomana waAmoni mambo weJudha richiti, Yambiro yokuuya kwokuparadzwa 2 “Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha. 3 “Ndichatsvaira zvose vanhu nemhuka; ndichatsvaira shiri dzedenga nehove dzegungwa. Vakaipa vachasara nemirwi yamarara chete, kana ndabvisa munhu pamusoro penyika,” ndizvo […]

Zefania 2

1 Unganai, unganai, imi rudzi runonyadzisa, 2 nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu. 3 Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha. Kurwiswa kweFiristia 4 Gaza […]

Zefania 3

Ramangwana reJerusarema 1 Rine nhamo guta ravamanikidzi, rakapanduka uye rikasvibiswa! 2 Harina warinoteerera, harigamuchiri kudzorwa. Harivimbi naJehovha, hariswederi pedyo naMwari waro. 3 Machinda aro ishumba dzinoomba, vatongi varo mapere amadekwana, vasingasiyi chinhu chamangwanani. 4 Vaprofita vavo vanozvikudza; vanhu vanonyengera. Vaprista varo vanozvidza nzvimbo tsvene uye vanoputsa murayiro. 5 Jehovha ari mariri mutsvene; haaiti zvakaipa. Mangwanani […]