Hosea 1

1 Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosea mwanakomana waBheeri panguva yokutonga kwaUzia, Jotamu, Ahazi naHezekia, madzimambo eJudha, napanguva yokutonga kwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri: Mukadzi waHosea navana vake 2 Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, Jehovha akati kwaari, “Enda, undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.” 3 Naizvozvo […]

Hosea 2

1 “Uti kuvanun’una vako, ‘Vanhu vangu,’ nokuhanzvadzi dzako ‘vadikanwa vangu.’ ” Israeri inorangwa uye inodzorwazve 2 “Tsiurai mai venyu, vatsiurei, nokuti havazi mukadzi wangu, uye handizi murume wavo. Ngavabvise kuonekwa kwoufeve pachiso chavo nokusatendeka pakati pamazamu avo. 3 Kana zvikasadaro, ndichavabvisa nguo dzose vagosara vakashama sezvavakanga akaita musi wavakaberekwa. Ndichavaita segwenga ndigovashandura vave nyika yakaoma […]

Hosea 3

Hosea anodzokerana nomukadzi wake 1 Jehovha akati kwandiri, “Enda, undodazve mukadzi wako, kunyange achidiwa nomumwe uye ari chifeve. Umude sokuda kunoita Jehovha vaIsraeri, kunyange vachitendeukira kuna vamwe vamwari vachida makeke akaereswa ane marezini.” 2 Saka ndakamutenga namashekeri gumi namashanua esirivha neinenge homeri neretekib rebhari. 3 Ipapo ndakati kwaari, “Unofanira kugara neni kwamazuva akawanda; haufaniri kuva […]

Hosea 4

Israeri inopiwa mhosva 1 Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika. 2 Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa. 3 Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka […]

Hosea 5

Kutongwa kweIsraeri 1 “Inzwai izvi, imi vaprista! Teererai, imi vaIsraeri! Teerera, iwe imba youmambo! Ndiwe uri kutongwa: Wakanga uri musungo paMizipa, mumbure wakatambanudzwa paTabhori. 2 Vapanduki vari mushishi rokuuraya. Ndichavaranga vose. 3 Ndinoziva zvose zviri pamusoro paEfuremu; Israeri haina kuvanzika kwandiri. Efuremu, watendeukira zvino kuufeve; Israeri avora. 4 “Zviito zvavo hazvivatenderi kudzokera kuna Mwari wavo. […]

Hosea 6

Israeri inoramba kutendeuka 1 “Uyai tidzokere kuna Jehovha. Akatibvambura kutiita zvidimbu zvidimbu, asi achatiporesa; akatikuvadza, asi achasungazve mavanga edu. 2 Mushure mamazuva maviri achatimutsiridza, pazuva rechitatu achatidzorazve, kuti tirarame pamberi pake. 3 Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, iye achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.” 4 “Ndichaiteiko newe, Efuremu? Ndichaiteiko […]

Hosea 7

1 Pose pandichaporesa Israeri, zvivi zvaEfuremu zvichaiswa pachena uye mhosva dzeSamaria dzichabudiswa pachena. Vanoita zvounyengeri, mbavha dzinopaza dzimba, uye makororo anotorera vanhu zvinhu munzira; 2 asi havazivi kuti ndinorangarira zvakaipa zvose zvavanoita. Zvivi zvavo zvinovakomberedza; zvinoramba zviri pamberi pangu nguva dzose. 3 “Vanofadza mambo nezvakaipa zvavo, machinda nenhema dzavo. 4 Vose imhombwe, vanopisa sechoto, moto […]

Hosea 8

Israeri achakohwa chamupupuri 1 “Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha. nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu. 2 VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’ 3 Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera. 4 Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti […]

Hosea 9

Israeri inorangwa 1 Rega kufara, iwe Israeri; rega kupembera sezvinoita dzimwe ndudzi. Nokuti hauna kunge wakatendeka kuna Mwari wako; unofarira mubayiro wechifeve, pamapuriro ose. 2 Mapuriro nezvisviniro zvewaini hazvingagutsi vanhu. Waini itsva ichavanyengera. 3 Havangarambi vari munyika yaJehovha; Efuremu achadzokera kuIjipiti agodya zvokudya zvakasvibiswa muAsiria. 4 Havangadiri zvipiriso zvewaini kuna Jehovha, uye zvibayiro zvavo hazvingamufadzi. […]

Hosea 10

1 Israeri akanga ari muzambiringa unotanda; akazviberekera zvibereko. Zvibereko zvake pazvakawanda, iye akavakawo aritari dzakawanda; nyika yake payakabudirira, iye akashongedzawo matombo ake akaereswa. 2 Mwoyo wavo unonyengera, uye zvino vanofanira kutakura mhosva yavo. Jehovha achaputsa aritari dzavo uye achaparadza matombo avo akaereswa. 3 Ipapo vachati, “Hatina mambo nokuti hatina kukudza Jehovha. Asi kunyange dai taiva […]