Johani 1

Shoko rakava Nyama 1 Pakutanga Shoko rakanga riripo, uye Shoko rakanga riri kuna Mwari, uye Shoko rakanga riri Mwari. 2 Iye aiva kuna Mwari kubva pakutanga. 3 Zvinhu zvose zvakaitwa kubudikidza naye; kunze kwake hakuna kana chinhu chakaitwa pane izvo zvakaitwa. 4 Maari maiva noupenyu, uye upenyu ihwohwo hwaiva chiedza chavanhu. 5 Chiedza chinovhenekera murima, […]

Johani 2

Jesu anoshandura Mvura ichiva Waini 1 Pazuva rechitatu muchato wokuwana wakaitwa paKana yomuGarirea. Mai vaJesu vaivapo, 2 uye Jesu navadzidzi vake vakanga vakokwawo kumuchato uyu. 3 Waini yakati yapera, mai vaJesu vakati kwaari, “Havachina waini.” 4 Jesu akapindura akati, “Nhai mai, munondipinzireiko mune izvi? Nguva yangu haisati yakwana.” 5 Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose […]

Johani 3

Jesu anodzidzisa Nikodhimo 1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume weboka ravaFarisi ainzi Nikodhimo, nhengo yedare ravaJudha raitonga. 2 Akauya kuna Jesu usiku akati, “Rabhi, tinoziva kuti muri mudzidzisi akabva kuna Mwari. Nokuti hakuna munhu angagona kuita zviratidzo zvamunoita kana Mwari asinaye.” 3 Jesu akapindura akati, “Ndinokuudza chokwadi, hakuna munhu angaona umambo hwaMwari kana asina kuberekwa […]

Johani 4

Jesu anotaura noMukadzi weSamaria 1 VaFarisi vakanzwa kuti Jesu akanga achiteverwa navanhu vazhinji uye achibhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johani, 2 kunyange zvake akanga asiri Jesu aibhabhatidza, asi vadzidzi vake. 3 Ishe akati anzwa izvi, akabva kuJudhea akadzokera kuGarirea zvakare. 4 Zvino akanga achifanira kupfuura nomuSamaria. 5 Saka akasvika paguta romuSamaria rainzi Saika, pedyo nomunda wakanga […]

Johani 5

Kuporeswa kwoMunhu paDziva reBhetesdha 1 Shure kwaizvozvo, Jesu akakwira kuJerusarema kumutambo wavaJudha. 2 Zvino muJerusarema mune dziva riri pedyo neSuo raMakwai, rinonzi Bhetesdha nechiHebheru, uye rakapoteredzwa namabiravira mashanu. 3 Imomo vanhu vazhinji vakaremara vaisivatamo, mapofu, zvirema navakafa mitezo. 4 Nguva nenguva mutumwa waShe aiburukiramo achibvongodza mvura. Munhu aitanga kupinda mudziva shure kwenguva ipi zvayo yainge […]

Johani 6

Vanhu zviuru zvishanu vanopiwa zvokudya naJesu 1 Shure kwaizvozvi, Jesu akayambuka akaenda mhiri kumahombekombe eGungwa reGarirea (ndiro Gungwa reTibheriasi), 2 uye vazhinji zhinji vakamutevera nokuti vakanga vaona zviratidzo zvaakanga aita pavarwere. 3 Ipapo Jesu akakwira pagomo akagara pasi navadzidzi vake. 4 Mutambo wavaJudha wePasika wakanga wava pedyo. 5 Jesu akati asimudza meso ake akaona vanhu […]

Johani 7

Jesu anoenda kuMutambo waMatumba 1 Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba muGarirea, asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaikoko vakanga vachitsvaka kumuuraya. 2 Asi Mutambo waMatumba wavaJudha wakati wava pedyo, 3 vanun’una vaJesu vakati kwaari, “Munofanira kubva pano muende kuJudhea, kuitira kuti vadzidzi venyu vagoona zvishamiso zvamunoita. 4 Hakuna munhu anoda kuva nomukurumbira anoita zvinhu zvake muchivande. Sezvo […]

Johani 8

1 Asi Jesu akaenda kuGomo reMiorivhi. 2 Panguva dzamambakwedza akazviratidzazve mutemberi, vanhu vakamuunganira, uye akagara pasi kuti avadzidzise. 3 Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vakapinda nomukadzi akanga abatwa achiita upombwe. Vakamuita kuti amire pamberi peboka 4 uye vakati kuna Jesu, “Mudzidzisi, mukadzi uyu abatwa achiita upombwe. 5 MuMurayiro Mozisi akatirayira kuti titake namabwe vakadzi vakadai. Zvino imi […]

Johani 9

Jesu anoporesa Munhu Akaberekwa Ari Bofu 1 Akati achifamba, akaona murume akanga aberekwa ari bofu. 2 Vadzidzi vake vakamubvunza vakati, “Rabhi, ndianiko akatadza, murume uyu kana kuti vabereki vake, zvaakaberekwa ari bofu?” 3 Jesu akapindura akati, “Hakusi kutadza kwomurume uyu kana kwavabereki vake kwakaita kuti zvidai, asi izvi zvakaitika kuti basa raMwari riratidzwe muupenyu hwake. […]

Johani 10

Mufudzi neboka rake 1 “Ndinokuudzai chokwadi kuti munhu asingapindi mudanga ramakwai napamukova, asi anokwira kuti apinde naparutivi, imbavha uye igororo. 2 Munhu anopinda napamukova ndiye mufudzi wamakwai. 3 Murindi anomuzarurira musuo, uye makwai anonzwa inzwi rake. Anodana makwai ake nezita agoatungamirira kunze. 4 Kana achinge abudisa makwai ake ose, anofamba ari mberi kwawo, uye makwai […]