Firimoni 1

1 Pauro, musungwa waKristu Jesu, naTimoti hama yedu, Kuna Firimoni shamwari yedu inodikanwa uye nomushandi pamwe chete nesu, 2 kuna Afia hanzvadzi yedu, kuna Akipo murwi pamwe chete nesu uye nokukereke inosangana mumba mako: 3 Nyasha ngadzive nemi norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Kristu. Kuvonga nokunyengetera 4 Ndinovonga Mwari wangu nguva dzose […]