VaKorose 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu, 2 Kuhama tsvene uye dzakatendeka dziri muna Kristu paKorose: Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba ngazvive nemi. Kuvonga noKunyengetera 3 Tinogara tichivonga Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, patinokunyengetererai, 4 nokuti takanzwa nezvokutenda kwenyu muna Kristu Jesu uye nezvorudo rwamunarwo kuvatsvene vose, 5 kutenda norudo […]

VaKorose 2

1 Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu uye naavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu. 2 Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu, 3 maari pfuma yose youchenjeri nokuziva yakachengetwamo. 4 Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva […]

VaKorose 3

Mirayiro yaMararamiro Matsvene 1 Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. 2 Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika. 3 Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari. 4 Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye […]

VaKorose 4

1 Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga. Kumwe Kurayira 2 Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga. 3 Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa. 4 Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira. 5 Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; […]