VaRoma 1

1 Pauro, muranda waJesu Kristu, akadanwa kuti ave mupostori uye akatsaurirwa vhangeri raMwari, 2 vhangeri raakavimbisa kare kubudikidza navaprofita vake muMagwaro Matsvene 3 pamusoro poMwanakomana wake, uyo pakuberekwa kwake somunhu akanga ari chizvarwa chaDhavhidhi, 4 uye akaratidzwa nesimba kubudikidza naMweya Mutsvene kuti ndiye Mwanakomana waMwari, nokumuka kwake kubva kuvakafa: Jesu Kristu Ishe wedu. 5 Kubudikidza […]

VaRoma 2

Kutonga kwaMwari kwakarurama 1 Naizvozvo, iwe unotonga mumwe munhu hauna pembedzo, nokuti pachinhu chipi nechipi chaunotonga mumwe nacho, unozvipa mhosva iwe, nokuti iwe unotonga, unoita zvinhu zvimwe chetezvo. 2 Zvino tinoziva kuti kutonga kwaMwari ndokwezvokwadi kuna vanoita zvinhu zvakadai. 3 Saka kana iwe munhuwo zvake uchitonga vamwe asi uchiita zvinhu zvimwe chetezvo, unofunga kuti ungapunyuka […]

VaRoma 3

Kutendeka kwaMwari 1 Ko, muJudha anopfuura vamwe pakudii, uye kudzingiswa kunobatsireiko? 2 Zvizhinji nemitowo yose! Pakutanga, ndivo vakapiwa mashoko aMwari chaiwo. 3 Ko, kana vamwe vasina kutenda? Kusatenda kwavo kungakonesa kutendeka kwaMwari here? 4 Kwete, kwete! Mwari ngaave wechokwadi, asi vanhu vose vave venhema. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Kuitira kuti munzi makarurama pamunotaura, uye mukunde pakutonga kwenyu.” […]

VaRoma 4

Abhurahama akaruramiswa noKutenda 1 Zvino tichati Abhurahama, tateguru wedu, panyama akawaneiko pazviri? 2 Nokuti dai Abhurahama akashayirwa mhosva namabasa, angadai aine chinhu chokuzvirumbidza nacho, asi kwete pamberi paMwari. 3 Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.” 4 Zvino kana munhu achiita basa, mubayiro wake hautorwi sechipo chokungopiwa, asi somubayiro wakamufanira. […]

VaRoma 5

Rugare noMufaro 1 Naizvozvo, zvatinoshayirwa mhosva nokutenda, tino rugare naMwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, 2 watakawana naye mapindiro, nokutenda, munyasha idzi dzatakamira madziri zvino. Uye tinofara mutariro yokubwinya kwaMwari. 3 Kwete izvozvo bedzi, asi tinofarawo mumatambudziko edu, nokuti tinoziva kuti kutambudzika kunouyisa kutsungirira, 4 kutsungirira kunouyisa unhu uye unhu hunouyisa tariro. 5 Uye tariro […]

VaRoma 6

Kufa kuchivi, kuva mupenyu muna Kristu 1 Zvino tichatiiko? Toramba tichiita zvivi here kuti nyasha dziwande? 2 Kwete napaduku pose! Takafa kuzvivi; tingararama sei mazviri zvakare? 3 Ko, hamuzivi here kuti isu tose vaya vakabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake? 4 Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa […]

VaRoma 7

Muenzaniso weWaniso 1 Hamuzivi here, hama, nokuti ndiri kutaura kuvanhu vanoziva murayiro, kuti murayiro une simba pamusoro pomunhu panguva yose yaanenge ari mupenyu chete? 2 Somuenzaniso, mukadzi akawanikwa akasungwa nomurayiro kumurume wake panguva yose iyo murume wake anenge ari mupenyu, asi kana murume wake afa, anosunungurwa kubva pamurayiro wewaniso. 3 Saka zvino, kana akawanikwa nomumwe […]

VaRoma 8

Upenyu muMweya 1 Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu, 2 nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu. 3 Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu […]

VaRoma 9

Kusarudza kwaMwari 1 Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene 2 ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu. 3 Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu, 4 ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata […]

VaRoma 10

1 Hama, kuda kwomwoyo wangu nokunyengetera kwangu kuna Mwari pamusoro pavaIsraeri ndokwokuti vaponeswe. 2 Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira Mwari, asi kushingairira kwavo havakuiti nokuziva. 3 Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. 4 Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda […]