Isaya 1

1 Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUziya naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha. Rudzi Runomukira 2 Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika! Nokuti Jehovha akataura achiti, “Ndakarera vana ndikavakudza, asi ivo vakandimukira. 3 Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.” 4 Haiwa, rudzi runotadza, […]

Isaya 2

Gomo raJehovha 1 Izvi ndizvo zvakaonekwa naIsaya mwanakomana waAmozi, pamusoro peJudha neJerusarema: 2 Mumazuva okupedzisira, gomo retemberi yaJehovha richasimbiswa, richava guru pakati pamakomo; richakwiridzirwa pamusoro pezvikomo, uye ndudzi dzose dzichamhanyira kwariri. 3 Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva […]

Isaya 3

Kutongwa pamusoro peJerusarema neJudha 1 Tarirai zvino, Ishe Jehovha Wamasimba Ose ava kuda kutora zvose rutsigiro nomudonzvo, kubva kuJerusarema neJudha; rutsigiro rwose rwezvokudya norutsigiro rwose rwemvura, 2 mhare nomurwi, mutongi nomuprofita, muvuki nomukuru, 3 mukuru wamakumi mashanu nomunhu anokudzwa, muchinda nomurume wemhizha, nomuvuki anoziva. 4 Ndichaita kuti majaya ave vabati vavo; vana vadiki ndivo vachavatonga. […]

Isaya 4

1 Pazuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe vachiti, “Tichadya zvokudya zvedu nokuzvitsvakira zvokufuka; Tinongoda kudanwa nezita rako bedzi. Bvisa kunyadziswa kwedu!” Davi raJehovha 2 Pazuva iro, davi raJehovha richava rakanaka uye richabwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava chidadiso nokukudzwa kwavakapunyuka muIsraeri. 3 Vaya vakasara muZioni, navakasara muJerusarema, vachanzi vatsvene, navose vakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema. 4 […]

Isaya 5

Rwiyo rwoMunda weMizambiringa 1 Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera. 2 Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete. 3 “Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi […]

Isaya 6

Kutumwa kwaIsaya 1 Mugore rakafa Mambo Uziya, ndakaona Ishe agere pachigaro choushe, chirefu chakakwirira uye mupendero wenguo dzake wakazadza temberi. 2 Kumusoro kwake kwaiva neserafimi, imwe neimwe yaiva namapapiro matanhatu: namapapiro maviri, dzakafukidza uso hwadzo, namaviri dzakafukidza makumbo adzo, uye namaviri dzakanga dzichibhururuka. 3 Zvino imwe yaidanidzira kune imwe ichiti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha […]

Isaya 7

Chiratidzo chaImanueri 1 Zvino Ahazi mwanakomana waJotamu, mwanakomana waUziya, paakanga ari mambo weJudha, Mambo Rezini weAramu naPeka mwanakomana waRamaria mambo weIsraeri vakauya kuzorwa neJerusarema, asi havana kugona kurikunda. 2 Zvino imba yaDhavhidhi yakaudzwa kuti, “Aramu yabatana neEfuremu;” saka mwoyo waAhazi nemwoyo yavanhu vake yakazungunuswa, sokuzungunuswa kunoitwa miti yesango nemhepo. 3 Ipapo Jehovha akati kuna Isaya, […]

Isaya 8

Asiria, Shamhu yaJehovha 1 Jehovha akati kwandiri, “Tora hwendefa huru unyore pamusoro payo nechinyoreso: pamusoro paMaheri-Sharari-Hashi-Bhazi. 2 Ndichadana Uriya muprista naZekaria mwanakomana waJebherekia sezvapupu zvakatendeka kwandiri.” 3 Ipapo ndakaenda kumuprofitakadzi, iye akatora pamuviri akabereka mwanakomana. Zvino Jehovha akati kwandiri, “Mutumidze kuti MaheriSharari-Hashi-Bhazi; 4 nokuti mwana asati aziva kuti, ‘Baba vangu’ kana kuti, ‘Mai vangu,’ pfuma […]

Isaya 9

Isu tazvarirwa Mwana 1 Kunyange zvakadaro, hakuchazovizve, nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea ravaHedheni, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani. 2 Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera. 3 Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara […]

Isaya 10

1 Vane nhamo vanodzika mitemo isina kururama, neavo vanopa mitemo inodzvinyirira, 2 kuti vadzivise varombo kodzero dzavo uye vadzivise kururamisirwa kwavakadzvinyirirwa vavanhu vangu, vachipamba chirikadzi uye vachibira nherera. 3 Muchaita sei pazuva rokutongwa, njodzi painouya ichibva kure? Muchatizira kuna aniko kuti mubatsirwe? Upfumi hwenyu muchahusiyepiko? 4 Hapana chichasara asi kungokotama pakati penhapwa, kana kuwira pakati […]