1 Madzimambo 1

Adhoniya anozvigadza Umambo 1 Mambo Dhavhidhi akanga akwegura, ava namakore mazhinji, asi akanga asingadziyirwi kunyange vaimufukidza namagumbeze. 2 Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.” 3 Naizvozvo, vakatsvaka musikana akanaka munyika yose yeIsraeri, vakawana Abhishagi, muShunami, vakauya naye kuna mambo. 4 Musikana […]

1 Madzimambo 2

Dhavhidhi anorayira Soromoni 1 Zvino nguva yokufa kwaDhavhidhi yakati yoswedera, akarayira Soromoni mwanakomana wake, 2 achiti, “Ndava pedyo nokuenda nenzira yenyika yose. Naizvozvo iva munhu akasimba, uve murume, 3 ucherechedze zvose zvinodiwa naJehovha Mwari wako: Famba munzira dzake, chengeta zvaakatema, mirayiro yake, mitemo yake nezvaanoda, sezvazvakanyorwa muMurayiro waMozisi, kuti ugobudirira pazvose zvaunoita nakwose kwaunoenda. 4 […]

1 Madzimambo 3

Soromoni anokumbira Uchenjeri 1 Soromoni akaita ukama naFaro, mambo weIjipiti akawana mwanasikana wake. Akauya naye kuGuta raDhavhidhi kusvikira apedza kuvaka muzinda wake netemberi yaJehovha, norusvingo runopoteredza Jerusarema. 2 Asi, vanhu vakanga vachibayira zvibayiro panzvimbo dzakakwirira nokuti hapana temberi yakanga yati yavakirwa zita raJehovha. 3 Soromoni akada Jehovha akafamba nomumitemo yababa vake Dhavhidhi, asi akabayira nokupisa […]

1 Madzimambo 4

Machinda aSoromoni 1 Saka Mambo Soromoni akanga ari mambo weIsraeri yose. 2 Ava ndivo vaiva machinda ake: Azaria mwanakomana waZadhoki aiva muprista; 3 Erihorefi naAhija, vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wenhoroondo dzenyika; 4 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha aiva mutungamiri wamauto; Zadhoki naAbhiatari vaiva vaprista; 5 Azaria mwanakomana waNatani aiva mukuru wavatariri; Zabhudhi […]

1 Madzimambo 5

Soromoni anogadzirira kuvaka Temberi 1 Hiramu mambo weTire akati anzwa kuti Soromoni akanga azodzwa kuti ave mambo panzvimbo yababa vake Dhavhidhi, akatuma nhume dzake kuna Soromoni, nokuti Hiramu akanga agara ano ushamwari naDhavhidhi. 2 Soromoni akatuma shoko kuna Hiramu akati: 3 “Munoziva kuti nokuda kwehondo dzairwisana nababa vangu Dhavhidhi kubva kumativi ose, haana kuzokwanisa kuvakira […]

1 Madzimambo 6

Soromoni anovaka Temberi 1 Zvino mugore ramazana mana namakumi masere mushure mokubuda kwavaIsraeri munyika yeIjipiti, mugore rechina rokubata ushe kwaSoromoni pamusoro peIsraeri, mumwedzi waZivhi, unova mwedzi wechipiri, akatanga kuvaka temberi yaJehovha. 2 Temberi yakavakirwa Jehovha naMambo Soromoni yakanga yakareba makubhiti makumi matanhatua, ina makubhiti makumi mavirib paupamhi hwayo, ina makubhiti makumi matatuc pakukwirira kwayo kumusoro. […]

1 Madzimambo 7

Soromoni anovaka Muzinda Wake 1 Zvisinei, zvakatorera Soromoni makore gumi namatatu kuti apedze kuvaka muzinda wake. 2 Akavaka Muzinda weSango reRebhanoni wakanga wakareba makubhiti zanaa, upamhi hwawo huri makubhiti makumi mashanub, namakubhiti makumi matatuc pakukwirira kwawo mudenga, akaivaka pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari namatanda emisidhari akavezwa pamusoro pembiru. 3 Wakanga une denga remisidhari rakanga riri […]

1 Madzimambo 8

Temberi inotsaurirwa Jehovha 1 Ipapo Soromoni akaunganidza pamberi pake vakuru veIsraeri navatungamiri vamarudzi muJerusarema namadzishe emhuri dzavaIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni, Guta raDhavhidhi. 2 Vanhu vose veIsraeri vakaungana pana Mambo Soromoni panguva yomutambo mumwedzi waEtanimi, unova mwedzi wechinomwe. 3 Vakuru vose veIsraeri vakati vasvika, vaprista vakatakura areka, 4 uye vakauyisa areka yaJehovha, […]

1 Madzimambo 9

Jehovha anozviratidza kuna Soromoni 1 Zvino Soromoni akati apedza kuvaka temberi yaJehovha nomuzinda wamambo nezvose zvaaida kuvaka, 2 Jehovha akazviratidza kwaari kechipiri, sezvaakazviratidza kwaari paGibheoni. 3 Jehovha akati kwaari: “Ndanzwa munyengetero wako nechikumbiro chako chawaita pamberi pangu; temberi iyi yawavaka ndaiita tsvene, nokuisa Zita rangu mairi nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvichavamo nguva dzose. 4 […]

1 Madzimambo 10

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni 1 Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa nezvomukurumbira waSoromoni noukama hwake nezita raJehovha, akauya kuzomuedza nemibvunzo yakaoma. 2 Akasvika paJerusarema navanhu vakawanda, nengamera dzakanga dzakatakura zvinonhuwira, goridhe rakawanda kwazvo, namatombo anokosha, akauya kuna Soromoni akataura naye pamusoro pezvose zvaiva mupfungwa dzake. 3 Soromoni akapindura mibvunzo yake yose; hapana chakanga chakanyanya kuomera mambo […]