1 Timoti 1

1 Pauro, mupostori waKristu Jesu nokurayira kwaMwari Muponesi wedu naKristu Jesu tariro yedu, 2 Kuna Timoti mwanakomana wangu chaiye pakutenda: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Ishe wedu. Yambiro pamusoro paVadzidzisi voMurayiro veNhema 3 Sezvandakakumbira zvikuru kwauri pandakaenda kuMasedhonia, gara paEfeso kuitira kuti ugorayira vamwe varume kuti varege kudzidzisa dzidziso dzenhema, 4 […]

1 Timoti 2

Dzidziso pamusoro poKunamata 1 Naizvozvo, pakutanga kwezvose, ndinokurayirai kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe, 2 madzimambo uye navose vari vakuru, kuti tigare norugare uye norunyararo pakurarama muumwari hwose nomuutsvene. 3 Izvi zvakanaka uye zvinofadza Mwari muponesi wedu. 4 Anoda kuti vanhu vose vaponeswe uye kuti vazive chokwadi. 5 Nokuti kuna Mwari mumwe chete, nomurevereri […]

1 Timoti 3

Vatariri naVadhikoni 1 Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika. 2 Zvino mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, anozvidzora, anokudzwa, anoitira vaeni rudo, anoziva kudzidzisa, 3 asingadhakwi, asingarwi uye ano unyoro, asina gakava, asingakariri mari. 4 Anofanira kubata imba yake zvakanaka nokuona kuti vana vake vanomuteerera uye […]

1 Timoti 4

Kurayirwa kwaTimoti 1 Mweya anotaura pachena kuti panguva dzinouya vamwe vachatsauka kubva pakutenda uye vagotevera mweya inonyengera nedzidziso dzamadhimoni. 2 Dzidziso dzakadai dzinouya navaya vanoreva nhema, vane hana dzakapiswa sokunge nesimbi inopisa. 3 Vanodzivisa vanhu kuwanana uye vachivarayira kuti varege kudya zvimwe zvokudya, izvo zvakasikwa naMwari kuti zvigamuchirwe nokuvonga naavo vanotenda uye vanoziva chokwadi. 4 […]

1 Timoti 5

Rayiro pamusoro peChirikadzi, Vakuru naVaranda 1 Usatsiura murume mukuru nehasha, asi utaure naye sounotaura nababa vako. Vaduku uvabate savanun’una vako. 2 Vakadzi vakuru savanamai, uye vakadzi vaduku sehanzvadzi, nokuchena kwose kwomwoyo. 3 Ipa rukudzo rwakafanira kuchirikadzi dziri chirikadzi chaidzo. 4 Asi kana chirikadzi ina vana kana vazukuru, ava ngavatange ivo kudzidza kurarama chinamato chavo kumhuri […]

1 Timoti 6

1 Vose varanda vari pasi pejoko rouranda vanofanira kukudza vatenzi vavo zvizere, kuitira kuti zita raMwari uye nedzidziso yedu zvirege kumhurwa. 2 Avo vana vatenzi vanotenda ngavarege kuvazvidza nokuda kwokuti ihama. Asi kutoti vanofanira kuvashumira zviri nani, nokuti vaya vanobatsirwa nebasa ravo vatendi, uye vadikanwi kwavari. Izvi ndizvo zvinhu zvaunofanira kuvadzidzisa uye nokuvarayira. Kuda mari […]