Judha 1

1 Judha, muranda waJesu Kristu uye munun’una waJakobho, Kuna vaya vakadanwa, vanodikanwa naMwari Baba uye vanochengetwa naJesu Kristu: 2 Ngoni, rugare norudo ngazviwande kwamuri. Chivi noKuparadzwa kwaVanhu Vasina Mwari 3 Shamwari dzinodikanwa, kunyange ndakanga ndichishingairira kuti ndinyore kwamuri pamusoro poruponeso rwatinogovana, ndakafunga kuti ndinofanira kunyora ndichikukurudzirai kuti murwire kutenda kwakapiwa vatsvene kamwe. 4 Nokuti vamwe […]