Kuungudza kwaJeremia 1

1 Ko, muguta zvamusisina vanhu, iro rakanga rizere navanhu! Zvarangova sechirikadzi, iro rakanga riri guru pakati pamarudzi! Iro rakanga riri mambokadzi pakati penyika, zvino rava nhapwa. 2 Rinochema zvikuru usiku, misodzi iri pamatama aro. Pakati pavadiwa varo vose hakuna anorivaraidza. Shamwari dzaro dzose dzarimukira; dzava vavengi varo. 3 Shure kwokutambudzika nokushanda zvakaomarara, Judha akaenda kuutapwa. […]

Kuungudza kwaJeremia 2

1 Ishe akafukidza sei Mwanasikana weZioni negore rokutsamwa kwake! Akapotsera pasi kubwinya kweIsraeri, kubva kudenga kusvika panyika; haana kurangarira chitsiko chetsoka dzake pazuva rokutsamwa kwake. 2 Ishe akamedza ugaro hwose hwaJakobho akasavanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akakoromorera pasi nhare dzoMwanasikana weJudha. Akawisira pasi umambo hwake namachinda ahwo mukunyadziswa. 3 Mukutsamwa kwake kunotyisa akagura nyanga dzose dzaIsraeri. […]

Kuungudza kwaJeremia 3

1 Ndini munhu akaona kutambudzika neshamhu yehasha dzake. 2 Akandidzingira kure akaita kuti ndifambe murima panzvimbo yomuchiedza; 3 zvirokwazvo, akashandura ruoko rwake kuti rundirwise nguva nenguva, zuva rose. 4 Akasakadza ganda rangu nenyama yangu uye akavhuna mapfupa angu. 5 Akandikomba akandipoteredza neshungu nokurwadziswa. 6 Akandigarisa murima savanhu vakanguri vafa. 7 Akandipfigira kuti ndisapunyuka, akandiremedza nengetani. […]

Kuungudza kwaJeremia 4

1 Haiwa, goridhe rasviba sei, goridhe rakaisvonaka harichabwinyi sei! Matombo matsvene aparadzirwa kumusoro kwenzira imwe neimwe. 2 Haiwa vanakomana vanokosha veZioni, kare vaimbokodzera chiero chavo chegoridhe, zvino voonekwa sehari dzevhu, iro basa ramaoko omuumbi wehari! 3 Kunyange makava anopa mazamu awo kuti anwise vana vawo, asi vanhu vangu vava vasina hanya seshiri dzemhou dziri mugwenga. […]

Kuungudza kwaJeremia 5

1 Rangarirai Jehovha, zvakatiwira; tarirai, mugoona kunyadziswa kwedu. 2 Nhaka yedu yakapiwa kuvatorwa, misha yedu kumabvakure. 3 Tava nherera, hatina vabereki, vanamai vedu sechirikadzi. 4 Tinofanira kutenga mvura yatinonwa; huni dzedu dzinongowanikwa chete nomutengo. 5 Avo vanotidzinganisa vari pedyo pedyo; taneta uye hatina zororo. 6 Takazviisa pasi peIjipiti neAsiria, kuti tiwane kudya kwakakwana. 7 Madzibaba […]