VaGaratia 1

1 Pauro mupostori, asina kutumwa zvichibva kuvanhu kana navanhu, asi naJesu Kristu uye naMwari Baba, iye akamumutsa kubva kuvakafa, 2 nehama dzose dzineni, Kukereke dziri muGaratia: 3 Nyasha norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokuna Ishe Jesu Kristu ngazvive nemi, 4 akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba […]

VaGaratia 2

Pauro anogamuchirwa naVapostori 1 Mushure mamakore gumi namana ndakakwirazve kuJerusarema, panguva iyi ndakanga ndina Bhanabhasi. Ndakaendawo naTito. 2 Ndakaenda nokuda kwokuzarurirwa uye ndikarondedzera pamberi pavo vhangeri randakaparidza pakati pavaHedheni. Asi ndakaita izvi kuna avo vakanga vari vatungamiri vari voga, nokuti ndaitya kuti ndakanga ndichimhanya kana kuti ndatomhanya nhangemutange yangu pasina. 3 Asi kunyange naTito, akanga […]

VaGaratia 3

Kutenda kana Kuchengeta Murayiro 1 Imi vaGaratia vokusafunga! Ndianiko akakuroyai? Jesu akaratidzwa pachena akarovererwa pamuchinjikwa pamberi penyu chaipo. 2 Ndinoda kuziva chinhu chimwe chete kubva kwamuri kuti: Makagamuchira Mweya nokuda kwokuchengeta murayiro here, kana nokuda kwokutenda zvamakanzwa? 3 Muri vokusafunga zvakadai seiko? Mushure mokunge mambotanga muMweya, zvino moda kuedza kupedzisa chinangwa chenyu nesimba ravanhu here? […]

VaGaratia 4

1 Zvandinoreva ndezvokuti kana mudyi wenhaka achiri mwana, haana kusiyana nenhapwa, kunyange hazvo ari muridzi wezvinhu zvose. 2 Ari pasi pavatariri navachengeti kusvikira panguva yakatarwa nababa vake. 3 Saizvozvowo, patakanga tiri vana, takanga tiri muutapwa pasi pezvokuvamba zvenyika. 4 Asi nguva yakati yazara kwazvo, Mwari akatuma Mwanakomana wake, akaberekwa nomukadzi, akaberekwa pasi pomurayiro, 5 kuti […]

VaGaratia 5

Kusununguka muna Kristu 1 Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, uye murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa. 2 Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku. 3 Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose. 4 Imi munoedza kushayirwa mhosva nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha. 5 […]

VaGaratia 6

Kuita zvakanaka kuna vose 1 Hama dzangu, kana mumwe akabatwa ari muchivi, imi vari mumweya munofanira kumudzora nounyoro. Asi muzvingwarire pachenyu, kuti murege kuedzwa. 2 Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu. 3 Kana munhu achifunga kuti iye chinhu iye asiri chinhu, anozvinyengera. 4 Mumwe nomumwe anofanira kuedza mabasa ake. Ipapo angazvikudza hake, asingazvienzanise […]