Tito 1

1 Pauro, muranda waMwari nomupostori waJesu Kristu nokuda kwokutenda kwavasanangurwa vaMwari nokuziva chokwadi chinotungamirira kuumwari, 2 kutenda nokuziva kunobva patariro youpenyu husingaperi, hwakapikirwa naMwari, iye asingatongonyepi, akavimbisa idzo nguva dzisati dzavapo, 3 panguva yake yakatarwa akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nokurayira kwaMwari Muponesi wedu, 4 Kuna Tito, mwanakomana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare […]

Tito 2

Zvinofanira kudzidziswa Vatendi 1 Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama. 2 Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama pakutenda naparudo uye nomukutsungirira. 3 Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. 4 Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana […]

Tito 3

Kuita zvinhu zvakanaka 1 Uyeuchidze kuti vanhu vazviise pasi pavatongi navane simba, kuti vave vanoteerera, kuti vave vanhu vakagadzirira kuita zvose zvakanaka, 2 kuti varege kuchera vamwe, kuti vagare murunyararo uye vaitire vamwe zvakanaka, uye kuti varatidze kuzvininipisa kwechokwadi kuvanhu vose. 3 Pane imwe nguva nesuwo takanga tiri mapenzi, tisingateereri, takanyengerwa, uye takatapwa nokuchiva kwose […]