Ruka 1

Nhungamidzo 1 Vazhinji vakaedza kurondedzera nhoroondo dzezvinhu zvakaitika pakati pedu, 2 sokuturirwa kwazvakaitwa kwatiri naavo vakazviona kubva pakutanga naivozve vari varanda veshoko. 3 Naizvozvo, sezvo neniwo ndakanyatsoongorora zvose kubva pakutanga, ndakati zvakanakawo kuti ndikunyorerei imi Tiofiro mune mukurumbira, nhoroondo ndichinyatsotevedzanisa, 4 kuitira kuti mugoziva chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa. Kuberekwa kwaJohani Mubhabhatidzi kunoziviswa 5 Panguva yaHerodhi mambo […]

Ruka 2

Kuzvarwa kwaJesu 1 Mumazuva iwayo Kesari Ogasito akapa chirevo chokuti vagari vose venyika dzose dzaitongwa neRoma vaverengwe. 2 Uku ndiko kwaiva kuverengwa kwokutanga kwakaitwa panguva yaKuriniasi paakanga ari mubati weSiria. 3 Uye mumwe nomumwe akaenda kuguta rake kuti andonyoresa. 4 Saka Josefawo akakwira achibva kuguta reNazareta muGarirea achienda kuJudhea, kuBheterehema guta raDhavhidhi nokuti akanga ari […]

Ruka 3

Johani Mubhabhatidzi anogadzira Nzira 1 Mugore regumi neshanu rokutonga kwaTibheriasi Kesari, Pondio Pirato paakanga ari mubati weJudhea, Herodhi ari mubati weGarirea, munun’una wake Firipi ari mubati weIturea neTirakoniti, uye Risania ari mubati weAbhurini, 2 panguva youprista hwaAnasi naKefasi, shoko raMwari rakasvika kuna Johani mwanakomana waZekaria mugwenga. 3 Iye akaenda munyika yose yakapoteredza Jorodhani, achiparidza rubhabhatidzo […]

Ruka 4

Kuedzwa kwaJesu 1 Jesu, azere noMweya Mutsvene, akadzoka kubva paJorodhani akatungamirirwa noMweya mugwenga, 2 umo maakaedzwa naSatani kwamazuva makumi mana. Haana chaakadya pamazuva iwayo, uye pakupera kwamazuva iwayo akanzwa nzara. 3 Satani akati kwaari, “Kana iwe uri mwanakomana waMwari, rayira dombo iri kuti rive chingwa.” 4 Jesu akapindura akati, “Kwakanyorwa kuchinzi, ‘Munhu haararami nechingwa bedzi, […]

Ruka 5

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga 1 Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, 2 uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka usvasvi hwavo. 3 Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa. 4 Akati […]

Ruka 6

Ishe weSabata 1 Rimwe Sabata Jesu akanga achifamba nomuminda yezviyo, uye vadzidzi vake vakatanga kunonga hura dzezviyo, vachidzipukuta mumaoko avo vachidya tsanga dzacho. 2 Vamwe vavaFarisi vakati, “Seiko muchiita zvisingatenderwi nomusi weSabata?” 3 Jesu akavapindura akati, “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi paakanga ava nenzara, iye neshamwari dzake? 4 Akapinda mumba maMwari, akatora chingwa chakatsaurwa, akadya […]

Ruka 7

Kutenda kwoMukuru weZana 1 Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume. 2 Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, uyo aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa. 3 Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. 4 Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru […]

Ruka 8

Mufananidzo woMukushi 1 Shure kwaizvozvo, Jesu akafamba nomumaguta memisha, achiparidza vhangeri roumambo hwaMwari. Vane gumi navavari vakanga vanaye, 2 uye vamwewo vakadzi vakanga vaporeswa pazvirwere nemweya yakaipa vaiti: Maria (ainzi Magadharina) uya akanga abudiswa mweya yakaipa, minomwe maari, 3 Joana mukadzi waKuza, mutariri weimba yaHerodhi Suzana, navamwe vazhinji. Vakadzi ava vaivabatsira nokuvatsigira nezvavaiva nazvo. 4 […]

Ruka 9

Jesu anotuma vane Gumi naVaviri 1 Jesu akati aunganidza vadzidzi vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni nokuporesa zvirwere, 2 akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari nokuporesa vairwara. 3 Akavarayira akati, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo. 4 Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo. […]

Ruka 10

Jesu anotuma vana Makumi Manomwe 1 Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda. 2 Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa. 3 Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere. 4 Musatora chikwama, kana hombodo, […]