Mapisarema 112

1 Rumbidzai Jehovha. Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, anofarira mirayiro yake zvikuru.

2 Vana vake vachava nesimba panyika; zvizvarwa zvavakarurama zvicharopafadzwa.

3 Pfuma nezvakawanda zviri mumba make, uye kururama kwake kunogara nokusingaperi.

4 Kunyange murima akarurama anobudirwa nechiedza, iye munhu ane nyasha nengoni uye akarurama.

5 Zvakanaka zvinouya kumunhu anopa zvizhinji uye anokweretesa pachena, anofambisa nzira dzake nokururamisira.

6 Zvirokwazvo, haangatongozungunuswi; munhu akarurama acharangarirwa nokusingaperi.

7 Haangatyi mashoko akaipa; mwoyo wake wakasimba, anovimba naJehovha.

8 Mwoyo wake wakachengetedzeka, haangatyi chinhu; pakupedzisira achatarira nokukunda kuvavengi vake.

9 Akaparadzira kure zvipo zvake kuvarombo, kururama kwake kunogara nokusingaperi; runyanga rwake ruchasimudzwa mudenga mukukudzwa.

10 Akaipa achazviona uye acharwadziwa, acharumanya meno ake uye achaonda; kushuva kwowakaipa kuchava pasina.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

twelve + 13 =