Mapisarema 54

Kumutungamiri wokuimba nomitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”

1 Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu; ndiruramisirei nesimba renyu.

2 Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari; teererai kumashoko omuromo wangu.

3 Vatorwa vanondirwisa; vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu, vanhu vasingazivi Mwari.Sera

4 Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu; ishe ndiye anonditsigira.

5 Zvakaipa ngazvimonere pana avo vanondireva; muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6 Ndichakubayirai chipiriso chokungopa; ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha, nokuti rakanaka.

7 Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose, uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Leave a comment

Your email address will not be published. Required fields are marked *

four − one =